Saturday, May 25th
Headlines:
Gadziriro nekudyara gorosi PDF Print E-mail
Thursday, 07 June 2012 08:24

naIvan Craig
Gorosi chirimwa chinokurudzirirwa kuti

 

chinge chichirimwa munguva yatiri yechando.
Gorosi rinokura zvakanaka richipa goho remhando yepamusoro kana richinge radyarwa nenguva.
Gadziriro
l Minda inofanirwa kunge yarimwa parizvino
l Mbeu inofanirwa kunge yave papurazi
l Kana ichidyarwa nemuchina (seed drill), munoda 110 kg kusvika pa120 kg pahekita
l Kana muchiita yekukusha nemuchina (vicon spreader) kana mawoko, munoda 120 kg kusvika pa130 kg pahekita

l Fetereza yepasi neyepamusoro inofanirwa kunge yave papurazi parizvino
l Ivhu rejecha isayi 400 kg kusvika pa500 kg pahekita yefetereza yepasi (maize fert/ Compound D) neyepamusoro (Ammonium Nitrate) kana nguva yekuiisa ichinge yakwana.
l Ivhu dzvuku nedema isayi 300 kg kusvika pa400 kg pahekita yefetereza yemaize fert kana Compound D pamwe neAN kana nguva yacho yakwana.
l Maisirwo efetereza yepasi pamwe neyepamusoro:
l Fetereza yose inoitwa zvekukushwa nemuchina unonzi vicon spreader kana kushandisa mawoko.
l Fetereza yepasi inokushwa munda usati warimwa kana kudhisika. Vamwe vanotanga varima kana kudhisika vokusha fetereza vozoisanganisa  vachishandisha hara inonzi disc harrow.
Kudyara gorosi

l Kana fetereza yasanganiswa nevhu, togadzirira zvino kudyara mbeu uye pane nzira mbiri dzinogona kushandiswa pakudyara gorosi;
l Munda uri munyoro kana wakaoma, kana tichida kutevedza nzira yekutanga, munda unodiridzwa kusvika waguta mvura tozodyara mbeu. Kana taita mbeu yekukusha, tinofanirwa kutsindira mbeu yedu neroller asi kana tashandisa seed drill hatizotsindire, tinodiridza zvakare kamwe chete   kuitira kuti mbeu imere.
l Nzira yekudyara pasi pakaoma, tinodyara mbeu zvakangofanana  nezviri pamusoro  asi mutsauko uri pakuti mapedza kudyara munofanirwa kudiridza munda kusvika waguta mvura.
l Kana gorosi ramera rinofanira kuregwa risina mvura, sora richimera haro mumunda kwemazuwa makumi nemaviri nerimwe chete. Mumasvondo maviri ari kutevera ndinenge ndichikuzivisai kuiswa kweAN, mushonga wesora nekudiridzira muivhu rakasiyana-siyana.-Kwayedza

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links