Wednesday, Jun 19th
Headlines:
Mafaro chete neChibuku PDF Print E-mail
Thursday, 07 June 2012 08:29

naAbel Ndooka
MAKWIKWI eChibuku Road To Fame pamwe neChibuku Neshamwari

ayo ane mukurumbira wekuunganidza vaimbi vakasiyana-siyana pamwe nezvikwata zvemitambo yechinyakare odzoka zvakare zvine mutsindo gore rino.
Anoona nezvekufambiswa kwemashoko kuDelta Beverages iyo inoronga mitambo iyi, Elizabeth

Mukabeta, akati makwikwi egore rino ari kutanga svondo rino apo vachange vachifamba mumapurovhinzi ese emunyika vachitsvaga zvikwata zvichazokwikwidza mufainari iyo iri kutarisirwa kuzoitwa muna Gunyana. Akati svondo rino vari kutanga nekuenda kuMatabeleland South uko vachanotsvaga chikwata chichazokwikwidza.
Mukabeta akati gore rino Romeo Gasa, uyo anova muimbi ari kupisa pari zvino uye akasimudzirwa nemakwikwi aya, ari kutarisirwa kukwenya magitare musi uchaitwa fainari yacho kunhandare yeGlamis Arena.

Gore rakapera, vaimbi vanoti mushakabvu Tongai Moyo, Alick Macheso, Oliver Mtukudzi pamwe naAllan Chimbetu ndivo vakavharisa makwikwi aya musi wefainari yacho.
“Makwikwi eChibuku Road to Fame adzoka zvekare gore rino uye tiri kutarisira kuti gore rino achange akakura kupfuura zvegore radarika.
“Gore rapfuura zvikwata zvakawanda zvakapinda mumakwikwi aya saka gore rino tiri kutarisira kuti zvichawanda kudarika zvegore rapfuura nekuti gore rino Delta ichange ichipemberera kusvitsa makore 50,” akadaro Mukabeta.

Zvakadaro, gore rino makwikwi eChibuku neShamwari ayo anopindwa nezvikwata zvinotamba mitambo yechivanhu achange achifambidzana neeRoad to Fame.
Chibuku Neshamwari yakatotanga svondo rapfuura kuGwanda uko kuchange kune makwikwi eRoad to Fame svondo rino.
Gore radarika chikwata cheMunandi Express ndicho chakahwina makwikwi aya kunhandare yeGlamis Arena -Kwayedza.

 

 

Polls

ZVINE BASA HERE JAYA KUROORA MUSIKANA ASIRI MHANDARA?
 

Documentary

Social Networking Links