Thursday, Jun 20th
Headlines:
Save: Aiva madziva ava mazambuko PDF Print E-mail
Thursday, 14 June 2012 07:37

neMunyori weKwayedza
VARIMI vari kudunhu reBirchenough Bridge,

 

kuBuhera vari kudemba nekuda kwegukuravhu iro riri kukonzera kufushirika kwerwizi Save izvo zvave kudzosera mabasa avo ekurima shure.
Kanzura weBirchenough Bridge Ward 22, VaPeter Mashava, vakati rwizi rweSave harwuchabata mvura kwemakore akawanda zvichitevera kuzara kwarwaita jecha izvo zvakakonzerwa  nekurima kuri kuita vamwe vanhu mumahombekombe enzizi.
Vakati izvi zvakanyanya kukonzerwa nevanhu vairima mapindu.

“Pari zvino hamusisina mvura zvekuti vanhu havachakwanisa kuwana mvura yekushandisa mabasa akasiyana-siyana kana yekuti zvipfuwo zvinwe.
“Zvekuoma kwakaita rwizi urwu zviri kuita kuti nharaunda yedu iwirwe nenzara gore negore zvakanyanya,” vakadaro VaMashava. 
Vakati pane nguva inosvika vanhu kutofukura mifuku kana musisina mvura vachida kuwacha nhumbi kana kugeza.

“Vanhu vari kupona nekurima minda yemadiridziro ayo asiri kukwaniswa nevakawanda sezvo minda yacho ichibhadharwa mari,” vakadaro VaMashava. Mvura yemadiridziro iyi iri kubva kuDevure Dam pamwe nerwizi rwaBonda izvo zviri mudunhu iri.
VaMashava vakati dambudziko iri rakakura zvekuti kuri gadzirisa kwave kunetsa sezvo vanhu vave kurima kumahombekombe kwerwizi urwu vachitevera hunyoro sezvo kumatunhu kwakanyanya kuona nekuda kwekusanaya kwemvura zvakanaka kwemakore akatevedzana.
“Zvichida pamwe mvura ikanaya zvakanaka mwaka unotevera zvinogona kuita zviri nane mukubatsira kuti mvura isakurumidze kupera,” vakadaro VaMashava.
“Kare vanhu vaitadza kuyambuka rwizi urwu asi pari zvino vanotoonekwa vachitambira pakati parwo  zvisina kana njodzi izvo zvinotaridza kusanduka kuri kuita zvinhu nekuda kwedambudziko  regukuravhu iri.”-Kwayedza

 

Polls

ZVINE BASA HERE JAYA KUROORA MUSIKANA ASIRI MHANDARA?
 

Documentary

Social Networking Links