|
Vatambi venhabvu vodzidziswa kuzvishandira |
|
|
|
|
Thursday, 14 June 2012 07:47 |
|
neMunyori weKwayedza VATAMBI venhabvu vekumaruwa vemuboka reUnder-18
kuMashonaland West vosimudzirwa nesangano reZimbabwe Junior Soccer League senzira yekuti vawane pundutso muupenyu hwavo. Hluphekile Mujuruki mubati wehomwe yeZimbabwe Junior Soccer League akati vakatanga chirongwa chekudzidzisa vatambi venhabvu vechidiki kuzvishandira nemawoko kuitira kuti kana vakatadza kubudirira nekutamba nhabvu vawane pundutso nekuita mabasa emawoko.
Akati parizvino vatambi vemuboka reUnder-18 vari mushishi kurwisana mumakwikwi eMusoro-muchena Skills for Life Programme ayo chikwata chichakunda nevatambi vachatamba zvinonwisa mvura vachabhadharirwa mari yechikoro. “Vana vakawanda vane chipo chinodadisa chekutamba nhabvu asi havasi vese vanozokwanisa kuenderera mberi nekutamba nhabvu nezvikonzero zvakasiyana saka tiri kudzidzisa vana ava nzira dzekuzvishandira kutsvaga mari,” akadaro. Mujuruki akati parizvino vamwe vatambi vane makore ari pamusoro pe18 okuberekwa vari kuvaendesa kuchikoro chekuridza pembe kuti vazive mutemo wenhabvu kuitira kuti vapote vachiridza mune mimwe mitambo yemuligi iyi.
“Makwikwi eMusoro-muchena ndeevana vane makore ari pasi pe18 kunyangwe vasiri kuenda kuchikoro. “Kana vana vapfuura makore 18, tinovatsvagira zvekuita kana kuvadzidzisa nzira dzakasiyana dzekutsvaga mari dzakanaka,” akadaro Mujuruki. Zvakadaro, makwikwi eMusoro-muchena achange achitambwa svondo rega-rega kusvika musi wefainari muna Nyamavhuvhu. Zvikwata zvinenge zvabudirira mumitambo yese ndizvo zvichasangana mufainari.-Kwayedza
|