|
Thursday, 14 June 2012 07:54 |
naKnowledge Manokoro MUMWE mukadzi akazvuzvurudzira murume wake
kudare achida mari yemendenenzi achiti akange amutiza ndokunoroora mumwe mudzimai achimusiya achipepa mwana wavo akaremera mitezo. Preferance Nyawasha akaudza dare reHarare Civil Court kuti Oslow Gundani akamusiira mutoro wekuchengeta mwana akaremara saka anoda dzikinuro kubva kudare remendenenzi. “Ndinoda $180 pamwedzi sezvo akanditiza ndikasara ndichichengeta ndega mwana wedu akaremara.
Zvakare anogara achigwinha saka panoda mari yekuchipatara. Ndinozvionera zvose, akanoroora mumwe mukadzi waakatouya naye, atova nerusvava. Mupurisa uye anowana mari yakawanda nekuti anotambira $410 pamwedzi,” akadaro Nyawasha. Gundani akaudza dare kuti haakwanise kubhadhara mari inodiwa nemukadzi wake iyi. “Ndine mumwe mukadzi nemwana ane mwedzi mitatu. Ndini muchengeti wemhuri yangu sezvo tete nasekuru vangu havachakwanisa kuzviriritira. Uyezve ndine chikwereti chandakatora kare chandava kubatirwa pamwedzi sezvo ndaida kuvedzera mari yeroora rake,” akadaro Gundani. Mutongi Rebecca Kaviya akati Gundani abhadhare $100 kutanga mwedzi uno.-Kwayedza
|