|
Thursday, 14 June 2012 07:59 |
|
neMunyori weKwayedza MUSHURE mekunge ati zii kwemakore apo vakawanda vaive vasingazive
kwaainge ari kana zvaange ari kuita, muimbi wemusambo weurban grooves — Yombreeman — anoti achiripo uye akagadzirira vatsigiri vake mutakunanzva wemimhanzi. Yombreeman zita chairo Alvin Manyala mumwe wevaimbi vakatanga kusimbisa musambo weurban grooves uyu achiimba nevaimbi vakawanda kusanganisira Roki panziyo dzakawanda vari kuChamhembe Studios. Asi kubvira apa, muimbi uyu ange akangonyarara izvo zvakaunza mashoko akawanda kubva kune vanhu vakasiyana vamwe vachiti akange apotera kunze kwenyika. Vamwe ndivo vaiti Yombreeman akange ave kurwara zvakanyanya zvekuti kupinda mustudio chaiko kuti atsikise rakange rave basa guru kwazvo.
Asi nguva pfupi yadarika mukomana wemhotsi uyu akaramba zvose izvi akati aive akanyarara sezvo aive mubishi rekutsikisa dambarefu rake rekutanga rinonzi Siya Vataure. Pamusoro pezvo, Yombree anoti akange ari mubishi rekutsikisa mhanzi yevamwe nekubatsira vaimbi vari kusimukira sezvo izvi zviine mari pane kungotsikisa mhanzi yake. “Ndiripo, mhanzi yange isiri kubhadhara mazuva apera aya izvo zvakaita kuti ndimbosiyana nekunyora nekutsikisa mhanzi yangu. Ndange ndiri kushanda nevapfanha ndichivanyorera nekuvatsikisira izvo zvaibhadhara,” akadaro Yombreeman. Kuratidza kuti adzoka mudariro, Yombreeman anoti adzoka “nembambande” redambarefu iri iro anoti richaratidza kuti haasati apera. “Ndine dambarefu idzva iro randiri kutarisira kuti richaratidza vanhu kuti zvemhanzi izvi ndezvangu, dambarefu iri ratove pamusika uyewo riri kuratidza kufarirwa nevanhu vakawanda,” akadaro Yombreeman.
Yombreeman akati pari zvino atove mushishi yekutanga kuita mashoo kwakasiyana munyika senzira yekutsigira nekushambadza dambarefu rake idzva iri. “Iye zvino ndakatotanga kare kuita mashoo muHarare zvekuti ndichange ndichienda kune mamwe madhorobha nemaguta munguva iri kutevera. Munyati wangu ndewekuti nditenderere nenyika ndiine vamwe vaimbi vachindibatsira asi ivo vachiitawo zvavo,” akadaro Yombreeman. Pamusoro pezvo, Yombreeman anoti ari pakati pekutsikisa mavhidhiyo enziyo dzake dziri padambarefu rake idzva iri. Ane tarisiro yekuti achange achienda kunze kwenyika kunoshambadza dambarefu rake iri nemhanzi yake yakare sezvo iri kuratidza kufarirwa kwazvo kunze uku.-Kwayedza
|