|
Thursday, 14 June 2012 08:01 |
|
neMunyori weKwayedza MUSHURE mekukwenya magitare zvisina pundutso kwemakore 18,
shasha yakaita mukurumbira kuchikwata chePengaudzoke — Lyton Milaso — anoti akaita sarudzo yokuumba chake chikwata chechitendero chinonzi Usadzoke Band. Milaso, uyo anozivikanwa nekuti “Sub Hoofer” nekuda kwegitare rebhesi raanoridza, ave kuimba nziyo dzechitendero uye akatotsikisa madambarefu maviri. Nhengo yekereke yeAFM iyi, Milaso anoti akatanga kuimba nechikwata chePengaudzoke achiridza gitare nechinagwa chekuda kutsvaga hunyanzvi nemari kuti azotangawo chikwata chake.
“Ndakashanda nechikwata chePengaudzoke kuti ndibatsirikane muruzivo mune zvemhanzi uye kuzvinatsurudza mukuridza kwandaiita gitare. Chakaita kuti ndiende kuchikwata ichi inyaya yekuti ndicho chega change chiri munharaunda yandaigara panguva iyoyo asi ndaiita dambudziko sezvo zvaindikanganisa mukunamata kwangu nekufamba kwataiita tichiridza mumashoo,” akadaro. “Ndakagara muchikwata ichi kwemakore 18 ndakangomirira kuti ndizotangawo chikwata changu asi hapana chandakaburitsa. Ndakazobva ndakatanga kubata nechikwata cheFishers of Men chinotungamirirwa naPastor Charles Charamba kubva muna 2007 kusvika 2009 panova pandakazowana rubatsiro rwakanyanya ndikazosiya ndave kutangawo chikwata changu.” Milaso anoti akazopa zita rechikwata chake kuti Usadzoke Band nechinangwa chekuda kukurudzira veruzhinji kuti vasadzokere mumashure panyaya dzekunamata.
Dambarefu raMilaso rekutanga rinonzi Haunyare nei iro rine nziyo nhanhatu kuchiti rechipiri rakatsikiswa gore rino rinonzi Mukana rine nziyo shanu. Kunyange zvazvo Milaso achitsutsumwa nenhau yekutorerana nhengo dzekuimba uko kwakurumbira nevaimbi muno, chikwata chake chine nhengo sere idzo dzakabva kuzvikwata zvinosanganisira chaSomandla Ndebele, Power Kings neNgosimbi Crew. “Vanhu vanochinja zvikwata zvekushandira nekuda kutsvaga pundutso. Hazvina kuipa kana munhu akabva zvakanaka nekuti anenge avimbiswa zvaanoda asi chakakosha kuoneka woendawo zvakanaka moramba muchiwirirana. Kuzvikwata zvandakabva zvese tichiri kutaudzana uye tichiri kushanda tose,” akadaro.-Kwayedza
|