|
Vanhurume nenyaya dzezvepabonde |
|
|
|
|
Thursday, 14 June 2012 08:03 |
naElsie Mojapelo ZVINHU zvakagara zvichitaurwa kuti vanhurume
vanoda zvepabonde kudarika vanhukadzi. Iko zvino kutori netsvakurudzo yakaitwa ikaburitswa nebepanhau reOxford University inotsinhira pfungwa iyi. Tsvakurudzo iyi yakabuditsa kuti: l Varume vanofunga bonde kupfuura madzimai nekuda kwemushonga unonzi “testosterone” uyo unopa simba nemanyuku-nyuku ekuda kuenda pabonde. Madzimai vakasiyana nekuti ivo vane mushonga unonzi “oestrogen” uyo unoita kuti vave nemoyo munyoro nerudo.
l Mushonga we “testosterone” uyu unogadzirwa nguva dzose zvinosakisa kuti varume vafunge nyaya dzebonde panguva dzose kusiyana nemadzimai vanogadzira “oestrogen” panguva yakatarwa yemwedzi. l Varume vanofunga zvebonde nemadzimai akasiyana uye vanotogona kuparadza mari kuti vawane bonde kusiyana nemadzimai. l Varume vanoparura nyaya dzebonde kusiyana nemadzimai uye vachiriramba kashoma. l Madzimai vanoparura nyaya dzebonde uye vachiriramba kakawanda. Asi zvakadaro, varume vane matambudziko akawanda avanosangana nawo anoderedza manyuku-nyuku avo ebonde.
Izvi zvichinge zvaitika vashoma vanogona kuzotsvaga rubatsiro. Vakawanda vacho vanoona kunge kutaura kuti vane dambudziko kunoderedza kuva varume kwavo. Mamwe ematambudziko anogona kuderedza manyuku-nyuku aana baba epabonde anosanganisira: l Kuderera kwemishonga yema “hormone” mumuviri l Kupera shungu nemudzimai waainaye l Matambudziko emari l Kushanda basa rinonetesa l Kushoropodzwa nekushungurudzwa nemukadzi
Asi izvi zvinogona kugadzirika nekuita mitambo yekusimbisa muviri, zvimwe zvikafu zvinokurudzirwa naana chiremba nemishonga chaiyo yechivanhu.-Kwayedza
|