Friday, May 24th
Headlines:
Sekuru vekukanzuru vakakonzeresa PDF Print E-mail
Thursday, 14 June 2012 08:04

naKnowledge Manokoro
VAMWE sekuru vakakonzera bongozozo mudare reHarare Civil Court

svondo rino mushure mekunge vapokana nemari yemendenenzi nemudzimai wavo vachiti muchato wacho ngauparare zvawo.
Thomas Chibikira, uyo anova mushandi wekanzuru yeHarare,  akazvuvirwa kudare nemudzimai wake — Jesca Jiri — achiti anoda $400 yekuraramisa mhuri pamwedzi woga-woga.

“Handisevenzi, ndinongova mudzimai wepamba saka haasi kuuya nemari yakakwana nekudaro ndinoda $400 pamwedzi. Mari anoiwana sezvo achishanda kukanzuru uko kwaanotambiriswa $600 pamwedzi.
“Ane vamwe vana vaviri nemudzimai pamwe chete nemumwe mwana wechitatu akazotorwawo nevamwe vari kumushandisa kusuka ndiro. Mwana iyeye ndaida kuti agare pamba achimubhadharira chikoro asi zvose izvi haazviiti,” akadaro Jiri.
Chibikira haana kukwanisa kudzikamisa hana sezvo akange opupa furo izvo zvakaita kuti vanhu vaive mudare iri vatyoke mbabvu nekuseka.

“Ndinotambira $300 pamwedzi saka ngaatore zvake ‘pay’ yose. Akandimhan’arira sei ndichigara naye? Saka ndiko kwatova kurambana kwacho. Anogara pamba paani, ndichibatirwa mendenenzi?,” akadaro Chibikira achipupa nehasha.
Mutongi Rebecca Kaviya  akazotema mutongo wekuti Chibikira abhadhare mudzimai wake $200 pamwedzi sezvo gwaro remari yaanotambira raitaridza kuti anohora $400 pamwedzi.
Chibikira akaratidza kusafara nemutongo uyu akabva atanga kudya marasha.-Kwayedza

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links