Wednesday, Jun 19th
Headlines:
Akabongomora mudare PDF Print E-mail
Thursday, 14 June 2012 08:08

neMunyori weKwayedza
MUMWE mukadzi akaridza mhere mudare

mushure mekunge aimbova murume wake amuti haakwanise kubhadhara mari yemendenenzi yaaida.
Anastencia Ntente akamhan’arira Phanuel Tsoro kudare reHarare Civil Court achida mendenenzi yevana vavo vaviri avo aiti ava kuvariritira oga zvichitevera kusiyana kwavakaita.

 

“Ndinoda kuzvichengetera vana vangu ndega. Haakwanise kuvachengeta nokuti akanovasiya kumusha. Pavana vake vaviri vandinogara navo ndinoda $100 pamwedzi,” akadaro Ntente.
Tsoro achibvunzurudzwa namutongi Vongai Muchuchuti akati anoda vana vake zvakanyanya asi dambudziko nderekushaya mari.
“Ndaichengeta vana ndomene asi Ntente akazotora vana nerweseri nekudaro ndinokwanisa kubhadhara $50 pamwedzi nekuti ndine mumwe mwana pamwe chete nemudzimai.
“Kubasa kwangu kuCantbare Mine, kuShamva ndinowanawo $120 pmwedzi. Handingarase mhuri yangu nekuti takagara tose nemudzimai wangu kwemakore 15,” akadaro Tsoro.

Mashoko aya akaita kuti Ntente atadze kuzvidzora ndokubva aridza mhere achiti mari yaive yataurwa naTsoro ishoma zvachose sezvo vana vanoda mari yechikoro, chikafu pamwe chete nezvekupfeka.
Mutongi Muchuchuti akatarisawo divi rwaTsoro akati sezvo achiwana mari shoma uye semunhu ane mhuri, Ntente anofanirwa kutambira mari yaive yataurwa nemurume wake.
Zvisinei, Ntente akaenderera mberi nekuchema achiti mari iyi yaive ishoma nekudaro kutongwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi neChipiri svondo rinouya.-Kwayedza

 

Polls

ZVINE BASA HERE JAYA KUROORA MUSIKANA ASIRI MHANDARA?
 

Documentary

Social Networking Links