Sunday, May 26th
Headlines:
‘Makwikwi anosimudzira kurima’ PDF Print E-mail
Thursday, 14 June 2012 08:10

neMunyori weKwayedza
ZVAKAKOSHA kuti makambani anoona nezvekurima ave

 

nehukama hwakasimba sehwemukombe nechirongo nevarimi mukusimudzira budiriro yenyika.
Mashoko aya akataurwa nagavhuna weMashonaland East, Cde Aeneas Chigwedere,  svondo rapera kuChikomba, Chivhu pamhemberero dzemurimi akakunda vamwe mudunhu iri idzo dzaikotsverwa nekambani inouchika mbeu yeSeed Co.
Mai Otilia Kandira ndivo vakave hurudza mudunhu iri uye vachange vachizokwikwidzana nevamwe vakakunda  kune mamwe matunhu mumakwikwi enyika yose munguva pfupi iri kutevera.
Cde Chigwedere vakatenda Seed Co nekuronga makwikwi aya vachiti izvi zvinosimudzira mabasa ekurima.

“Ndinovimba kuti varimi vadzidza chimwe chinhu kubva kumakwikwi aya sezvo zvichivapa shunguwo yekushanda nesimba.
“Makwikwi akadai akanaka nekuti anoita kuti pave nezvekudya mudzimba dzedu pamwe nemunyika. Regai ndipe kutenda kuSeed Co iyo yakotsvera makwikwi aya kwemakore 30 adarika.
“Uyu mucherechedzo wekuva nehukama hwakasimba nevarimi pamwe nehurumende kuburikidza nebazi rezvekurima,” vakadaro.
Makwikwi aya, vakadaro Cde Chigwedere, aikurudzira kushandiswa kwenzira dzechizvino-zvino idzo dzinoita kuti varimi vakohwe pakuru.

“Sechibage, tinoda kuona goho richiwedzera munyika yose kubva pachikero chepakati nepakati parizvino chetani imwe chete pahekita kusvika pamatani mashanu pahekita.
“Zvakakosha zvakare kuti varimi vaumbe zvikwata munzvimbo dzavo kuti vakwanise kuronga pamwe chete nekupangana mazano,” vakadaro Cde Chigwedere. Zimbabwe, vakadaro Cde Chigwedere, yaive nemwaka yakanaka pamwe nehunyanzvi munyaya dzekurima nekudaro kana izvi zvikashandiswa zvizere nyika ino inove hurudza chaiyo. Vakakurudzirawo varimi kuti vatange kugadzirira mwaka unotevera wezhizha izvozvi kuburikidza nekutenga zvakaita sembeu nefetereza nguva ichiripo.-Kwayedza

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links