Tuesday, May 21st
Headlines:
Shungu yadzoka PDF Print E-mail
Thursday, 14 June 2012 08:15

naAbel Ndooka
CHIKWATA cheShungu Brothers, icho chakamboita mukurumbira kare

 

ndokuzonyarara chave kukanga waya, chadzoka mudariro uye chiri kuvimbisa vatsigiri vacho kuti chichange chichiita zvinorova.
Shungu Brothers, iyo yakaita mukurumbira nenziyo dzinoti “Chipikiro” na“Unodei Pandiri Iwe Wakandiramba” kubva padambarefu Chipikiro — inoti iye zvino haisi kudzokera shure nemagitare.
Mukutaura naDavid Misamsen, uyo ave kutungamira chikwata ichi, svondo rapfuura ku-Centenary uko kwavakaridza pamwe chete naSomandla Ndebele, akati chikwata chake chakange chambosangana nenhamo zvekusvika pakushaya chouviri.

Akati izvi zvose zvakange zvapera nekuti vakawana puromota ave kuvabatsira kutsikisa mhanzi yavo uyo anonyanya kuzivikanwa saChangamire Promotions. 
Misamsen akati chikwata chake, icho chakavambwa mugore ra1993, chakakwanisa kutsikisa madambarefu maviri anoti Chipikiro (1998) naMakare-kare (2008) asi rechipiri harina kuzobuda nekuti vakashaya mari yekuti riparurwe kunyangwe vainge vapedza kutsikisa nziyo dzese izvo zvakatuma kuti chikwata chavo chiparare.
“Chikwata chedu gore rino chadzoka zvakasimba zvekuti pari zvino tiri mushishi kutsikisa dambarefu redu rechitatu kubva pane maviri atakambotsikisa.

“Zvinhu zvakambotiomera zvekuti chikwata chedu chakasvika pakuparara dambarefu redu rechipiri rakatadza kuburitswa asi tainge tatoritsikisa izvo zvakatuma kuti chikwata chedu chiparare. 
“Mukoma Changamire vakatitora ndokutivimbisa kuti vachatibatsira kuti mhanzi yedu ienderere mberi nekutirongera mashoo sezvakaita svondo rapfuura patakaridza naSomandla “Mafia” Ndebele.
“Gore rino tiri kuburitsa dambarefu redu rechitatu pamwe nerechipiri riya ratakatadza kuburitsa mugore ra2008 nekushaya kwatakaita mari,” akadaro Misamsen.
Misamsen akati panguva iyo Changamire akange asati ave kuvabatsira nekuvapuromota vaiswera kumapurazi kwavanoshanda nekugara vachibika mhanzi yavo pamwe chete nekuridza vachishandisa magitare avakazvigadzirira nemapuranga nemagaba.

“Takazvigadzirira magitare edu tichishandisa mapuranga nemagaba saka ndizvo zvataishandisa kubika mhanzi yedu tiri kumapurazi kwatinogara tichishanda.
“Hatina kumbofungira kuti ticharidza magitare chaiwo aya nekuti tanga tajaira edu atakazvigadzirira tega,” akadaro.
Zvakadaro, maneja waChangamire — Bakari Chemuli — anoti havasi kuzosiya chikwata cheShungu Brothers chichiparara sezvo vacharamba vachichitsigira.
Akati pese pavachaita mashoo pabhawa ravo reClub Changaz kuCentenary, Shungu Brothers ichange iripo kuti vazivikanwe nevaimbi vane mukurumbira uye kuti vatsigiri vavo vavedzere,” akadaro Chemuli.-Kwayedza

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links