Tuesday, May 21st
Headlines:
VARI MUSVO pamba pasiri pavo PDF Print E-mail
Thursday, 14 June 2012 08:33

naMemory Mangombe                        naShein Kanyumwa
VAGARI vokuMurereka Shackleton, kuChinhoyi vakaita mahwekwe nemanenji “aidhanaira”

zvichitevera kuonekwa kwevakadzi vaviri vainge vari musvo pane mumwe musha mambakwedza emusi weMuvhuro svondo rino.
Izvi zvasimudza pfungwa dzekuti chiitiko ichi chine chokuita nemabasa ehuroyi.
Panotova nekutaura kunoti vaviri ava vakazoonekwa vari musvo mushure mekunge “vadonha murusero apo vainge vari parwendo rwavo rwemabasa erima”.
Madzimai anonzi akaonekwa akapfeka “nguwo dzekuzvarwa nadzo” — vari musvo zvaipedza mate mukanwa — ndiBlessing Kamanga (49) anogara paE18 naEsnath Marodza (40) wepaE2 — vose vari vepakomboni yeShackleton.
Pakadhindwa bepanhau rino vaviri ava vaive mumawoko emapurisa kuChinhoyi vakamirira kupinda mudare redzimhosva nenyaya yekufamba paruzhinji vasina kupfeka.
Muhurukuro nemadzimai aya, akatsika madziro achiti haasi varoyi asi kuti kwaingova kufungidzirwa chete.
Vakati zvakare havana kumbobvira vabatwa vari musvo sekutaurwa kwazvo.
Pakasvika Kwayedza uku mangwanani emusi weMuvhuro, vakadzi ava vainge vava muChinhoyi, vapfeka mbatya mushure mekunge vabviswa kuMurereka nemapurisa, nekutyirwa upenyu hwavo uho hwainge hwava panjodzi nemhomho yeko.
Zvinonzi mbatya dzavainge vapfeka vakange vadzipihwa zvichitevera chiitiko chinonyadza ichi.
“Tazongoshamisika tave kuzotorwa nemapurisa vachiti ‘husiku manga muri kupiko musina kusimira?’ Vatora isusu tiri vaviri chete sezvo tiri shamwari neshamwari,” akadaro Blessing apo mhomho yevanhu yainge yakaungana.
Eneresi Mufunga (55) anogara paE14, uyo anova mumhan’ari munyaya iyi, anoti akaona vakadzi vaviri ava pamba pake vari musvo apo akamuka zvikamurovesa nehana.
“Ndapepuka kuma3 kunze kwava kunoedza apo ndanzwa chinhu chadonha kunge dombo. Ndipo pandazonzwa nepanze madziro emba yangu achimarwa neruzha kunge imbwa dziri kurwa nekuchema kwekacheche ndikafunga kuti pamwe imbudzi iri kukweshera kumadziro.
“Pandabuda panze kuti ndione, ndasangana nevanhu vasina kupfeka vachipopota vachiti vari kuda nyama yavange vachiti iri mumba mangu.
“Ndipo pavazotanga kudeedzera kuti ‘Mai Mu**** (zita tinaro) mave kutiza nenyama yedu,  mave kuti donhedza futi huyai tigovane nyama tese zvakanaka
kwete kutiza kwamave kuita uku muchitisiya!’ Izvi zvandivhundutsa ndikaridza mhere vanhu vachibva vauya,” vakadaro Mai Mufunga nemusi weMuvhuro waitika nyaya iyi.
Mumwe wevakatanga kusvika pamba apa mushure mekunge Mai Mufunga varidza mhere,  Taurai Chokoto (25) anoti akawana madzimai aya ari musvo.
“Ndasvika ndikaona madzimai aya asina kupfeka nhumbi. Pandavabvunza vati vari kubva kunovhima kuAlaska, chinhambwe chemakiromita 13  kubva mukomboni ino. Ndipo pandazotora mvura ndikainamatira ndichivamwaya.
“Pandanga ndichimwaya mvura vatanga kuridza mhere vachiti ‘tiri kupiswa zvakanyanya’ vachibva vati simba raMwari rinokunda zvose, ndipo pavazotanga kubengenuka,” akadaro Chokoto.

Wacket Machamu (40) anoti akaona madzimai aya achiita zvekupara pasi vachipindura-pindura  maziso pamwe chete nenzara dakanga dzakareba vachishevedzera kuti “Mai Mu**** matiregerera”.
“Madzimai aya anga achiti adonhera pakamuti kemukonde ako — unova muti usinganyatsowirirana nevanhu vanoita zvemishonga,” akadaro Machamu.
Panopedza kuvigwa mufi, kune vamwe vanhu vane tsika yokusiya vaisa bazi remuti uyu pamusoro peguva. Izvi zvinonzi zvine chokuita nekudzinga varoyi paguva.
Kerry Chirandura (72), anova murume waMarodza akati kubva achiroorana nemudzimai wake ange asingazive kuti angangodaro achiita mabasa akaipa uye haana tarisiro yekuzogara naye zvekare.

“Ndakaroora mukadzi uyu muna1993 iye aine vana vake ini ndiine vangu, mbereko ikambonetsa tikafamba kwakasiyana-siyana asi hatina kuona tsananguro yechaikonzeresa izvi.
“Zvinhu zvaitika izvi hazvina kundiitira mushe, ini ndaifunga kuti munhu ndakarara naye padivi ndisingazive kuti kwete.
“Saka zvave kutonetsa kuti tigare tose nekuti vana vangu vakazoita dambudziko kana kufirwa nemwana vanongochema neni. Kana kumapurisa kwacho handisi kuenda,” akadaro Chirandura mushure mekubvunzwa kuti haana chaakanzwa here kuti mudzimai wake ainge asiri padivi pake husiku hwemusi uyu.
Murume waBlessing, Richard Kamanga (49) akati aingoziva chete kuti mudzimai wake ane mudzimu asi zvekunzi ainge abatwa asina kupfeka — husiku — zvainge zvatomushamisa.

“Kuramba mudzimai wangu handifunge, nekuti vanhu tinofanirwa kuregererana. Saka apa handifunge kuti ndingaomesera mudzimai wangu nekuda kwenyaya iyi. Anodzoka zvake kumba nekuti hapana anozochengeta vana,” akadaro Kamanga.
Mukuru wemapurisa kudunhu reMakonde, Chief Superintendent Israel Makuvaza, vakatsinhira nyaya iyi.
“Isu tavasunga nenyaya yekufamba vasina kupfeka kwete yehuroyi. Hatigone kunanga munhu kuti muroyi saka pari zvino takavavharira mapepa achiitwa.
“Zvakare chimwe chinhu chatava kutyira ndechekuti vanorohwa nevanhu, ndiko kusaka tavatora kuuya navo kuno nekuti vanhu vanga vachida kuvarova. Pakamba yavanga vari yeMurereka panga pasina kumira mushe,” vakadaro Chief Supt Makuvaza apo vakadzi ava vainge vava kumapurisa muChinhoyi.

Rimwe godobori, Sekuru Calphas Sithole Shutu vekusangano ren’anga reZinatha vanoti varume vane madzimai anoroya vanosiiwa vakarara nedanda kana chimwe chinhu asi ivo havazvizive sezvo zvinenge zviine mishonga yekutsipika.
“Paunozonzwa kuti munhu (muroyi) adonha anenge ashandisirwa mushonga kana kuti aenda nzvimbo dzakagadzirwa nevaridzi,” vakadaro.
Gore rapera pamberi, mumusha weHighfield, muHarare makamboitika nyaya yemumwe mukadzi ainzi ainge ayedzerwa apo akafuma ari pane imwe imba ari musvo achiti akange abva kwaMurehwa nevamwe vake. KuMadziva, kudunhu reMashonaland Central kwakambobuda mashoko ekuti kune varoyi vatatu vakadonhedzwa husiku kubva murusero apo vaive murwendo rwe“kunoshava” mushure mekunge vakakavadzana nevamwe vavo.
Kwayedza yakamboburitsa imwezve nyaya yemumwe munhukadzi ainzi akadonha murusero kwaMutoko apo akaka-kavadzana nevamwe vake.-Kwayedza






 

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links