|
Thursday, 14 June 2012 08:34 |
|
naAbel Ndooka PETER NDLOVU — mutevedzeri wemurairidzi wemaWarriors,
anoti svondo rino vachaita kanyama-kanyama chikwata cheBurundi apo vachasangana mumutambo wekupedzisira wekurwira kuenda ku2014 AFCON kunhandare yeNational Sports Stadium. Mumutambo wekutanga uyo wakatambirwa kuBurundi, Zimbabwe yakatonhodzwa 2-1 kunyangwe zvazvo maWarriors anonzi aitamba zvinodadisa.
Nsukuzonke, zita remadunhurirwa raNdlovu uyo aitungamirira chikwata chemaWarriors apo pachaitirena svondo rino, akati pavari kusangana neBurundi vari kutsvaga kuhwina chete. Ndlovu akati chinhu chikuru chaari kusimbisa kuvatambi vake ndechekuti vapinde mumutambo vatsvage kuhwina chete pane kunzi vari kutamba nhabvu inodadisa ivo vachikundwa. “Mitambo yedu yapfuura tanga tichinzi tanga tichitamba zvinonwisa mvura uye zvinodakadza asi zvanga zvisingatipe zvibodzwa nekuti tanga tichikundwa kana mutambo kupera uri mangange. “Svondo rino vatambi tiri kuvasimbisa kuti vapinde mumutambo vatsvage kuhwina chete nekuti ndicho chinhu chikuru chatiri kutsvaga nekuti mutambo uyu ndiwo unotiudza kuti tiri kukwanisa kuenda kuAFCON 2014 here kana kuti hatisi.
“Hazvibatsire kunzi mutambo wanga uchinakidza isu tichikundwa saka tiri kuda kutamba mutambo unosvota chero uchitipa kuhwina nekuti chatiri kukoshesa kuhwina,” akadaro Ndlovu. Mumitambo miviri yakapedzisirwa kutambwa nemaWarriors masvondo maviri apfuura, Zimbabwe yakakundwa neGuinea 1-0 kunhandare yeNational Sports Stadium uye yakanoita mangange neMozambique kunyika iyi. Zvakadaro, mutambo neBurundi uyu uri kuuya apo paine mashoko ekuti vamwe vatambi vemaWarriors vari kuita chikiribidi chekupihwa chiokomuhomwe chekuti vatengese mitambo kuti zvikwata zvavanenge vachikwikwidzana nazvo zvikunde. Ndlovu akati mumitambo yavakatamba iyi vakaongorora chikwata chavo vakaona pavari kurasika.
Akati vakawedzera Rodrick Mutuma wekuDynamos pavatambi vavo kuti abatsirane kumberi naTakesure Chinyama weDynamos zvakare pamwe naTerrence Mandaza. Ndlovu akati Mutuma vakamushevedza muchikwata chemaWarriors nekuti mwaka wapfuura ndiye akanwisa kupfuura vamwe vatambi vese vemuligi yeCastle Lager Premiership. “Mutambi wese anonwisa chete sezvakaitwa naMutuma anotofanirwa kuve ari muchikwata nekuti ndivo vanokwanisa kubatsira chikwata chemaWarriors kuti chihwine nekunwisa vamwe vatambi vozongouya kuzomubatsira,” akadaro Ndlovu.-Kwayedza
|