|
Hurumende yakadzika mutemo wekutengeswa kwedonje |
|
|
|
|
Thursday, 21 June 2012 10:42 |
|
neMunyori weKwayedza HURUMENDE yakakumikidza mutemo wekutengeswa kwedonje
uyo unoita kuti ive nemasimba ekutara mutengo uyu. Pasi pemutemo uyu unodaidzwa kuti Statutory Instrument 106A of 2012, makambani anotenga donje achatenga nemutengo unenge wetemwa neHurumende. Kukumikidzwa kwemutemo uyu kunotevera makakatanwa emutengo wedonje pakati pevarimi nemakambani anotenga.
Varimi vaiti vanoda kuti mutengo wedonje uve pakati peUS$0,45 neUS$1 pakg yoga-yoga zvichienderana nekunaka kwaro asi makambani aya aida kubhadhara mari inotangira paUS$0,29 pakg. Makambani anotenga donje aya ari kuti mari iri kudiwa nevarimi yakanga yakawandisa kana vachitarisa mamiriro akaita mitengo pamisika yepasi rose iyo iri kuramba ichidzikira. Asi varimiwo vari kuti mari iri kuda kubhadharwa nemakambani aya ishoma zvikuru sezvo isingavape pundutso. Makakatanwa emutengo aya aita kuti mwaka wekutengeswa kwedonje unonoke kutanga sezvo makore ose unotanga muna Kubvumbi. Pasi pemutemo mutsva uyu, kana makambani anotenga donje ayo anenge akabatsira varimi nezvekurimisa asingakwanise kutenga nemutengo unenge watarwa nehurumende anokwanisa kunyorera kudura renyika reGrain Marketing Board odzoserwa zvaanenge akapa varimi ava.
Zvakadaro, dzimwe nyanzvi dzinoona nezvekurima dzinoti mutemo mutsva uyu uchaita kuti mamwe makambani aregere kutsigira varimi vedonje. Nyanzvi idzi dzinoti kunze kwekuti hurumende idzosere makambani, ayo anenge asina kufadzwa nemutengo unenge watarwa zvekurimisa zvaanenge apa varimi, panofanira kuve nemari inoiswa nehurumende kuti mitengo yezvekurimisa izvi idzikire. Zvakadaro, pasi rose varimi vedonje vari kuchema-chema nekuda kwemutengo wedonje uyo wakadzikira. Asi dzimwe nyika dzakaita seChina, India pamwe neUnited States dzaita kuti varimi varambe vachiita basa ravo zvine pundutso nekuda kwekuvepo kwemari inoita kuti mitengo yezvekurimisa idzikire. Sangano reCotton Ginners Association remunyika muno rinoti mwaka uno rinotarisira kuti goho redonje richakwira kubva pamatani 250 000 egore rapera kusvika pamatani 280 000.-Kwayedza
|