Wednesday, Jun 19th
Headlines:
‘Mutongo wacho wandirigira pasi’ PDF Print E-mail
Thursday, 21 June 2012 10:59

naKnowledge Manokoro

MURUME wekuzvidza dare ndokusaenda kunozvimiririra panyaya yemendenenzi iyo ainzi abhadhare nemukadzi wake akazodhonzera zvakare mudzimai uyu kuHarare Civil Court achiti mutongo waive watemwa waimutsitsirira.
Jesina Kurowashaya akaudza dare kuti mutongo waakapihwa asipo hauna kutarisa mativi ose sezvo wakafadza mudzimai wake, Sanangurai Zvavamwe chete.

“Handina kuramba kusaina mapepa paakauya nawo kumba kwangu. Ndaisakwanisa kupinda mudare nekuti ndini ndaiva nejanha kubasa zuva redare racho. Ndakamuudza kuti handikwanise kuasaina musi wacho.
“Mari yakatemwa kuti ndibvise, $150 pamwedzi, handiikwanise nekuti ndine vamwe vana nemudzimai. Mari iyi yakawandisa. Ndopedza $150 kumwana mumwe chete, ko vamwe vatatu vandiinavo ndouraya here?” akadaro Kurowashaya.
Zvavamwe achipawo divi rake,

akati Kurowashaya akaramba kusaina mapepa ayo aitaridza kuti aidiwa kudare.

 

“Mapepa akaaona uye ndakatoenda nemupurisa iye akati ‘musapinde muno’. Akati achanosainira mapepa acho kuHarare,” akadaro Zvavamwe.
Mutongi Vongai Muchuchuti akati dare haraikwanisa kumubatsira nekuti kusauya kwaakaita kwaive kurizvidza sezvo akakoshesa basa rake.
Akaenderera mberi achiti Kurowashaya ari kuramba achimhan’ara nyaya yake kudare risiriro nekudaro anofanira kutsvaga nyanzvi dzinoona nezvematongerwo edzimhosva kana magweta kuti vamubatsire.-Kwayedza

 

Polls

ZVINE BASA HERE JAYA KUROORA MUSIKANA ASIRI MHANDARA?
 

Documentary

Social Networking Links