Wednesday, Jun 19th
Headlines:
Musikana webasa mimba tugu PDF Print E-mail
Thursday, 21 June 2012 11:00

naKnowledge Manokoro
MURUME wemuHarare akasetsa vanhu vaive

mudare reHarare Civil Court mushure mekunge ati mwedzi uno haakwanisi kubhadhara mari yemendenenzi nekuti akatotambira kare.
Fungai Chimbudzi akataura mashoko aya mushure mekuzvuvirwa kudare naEmma Jesa uyo waakapa mwana naizvozvo ari kuda $230 pamwedzi yekuchengeta kasvava kane mwedzi mitatu aka.
Jesa aiva musikana webasa panguva yaakasangana naChimbudzi uyo anoshandawo mubindu.

“Ndinoda $230 pamwedzi nokuti ndaishanda semusikana webasa ndokuzorega basa nekuda kwemwana wandave naye. Chimbudzi anoshanda sagadhenibhoyi. Mari yaanowana handinyatsoiziva asi akambonditi anotambira $50 pamwedzi.
“Mwana handikwanise kumuchengeta ndega saka ngaandibatsirewo pane zvekupfeka nechikafu. Ndakambomufonera mwana arwara ndichida mari yechipatara akati ‘unoda kuti ndizviitewo sei?’” akadaro Jesa.

Chimbudzi akapawo zvikonzero zvinomutadzisa kuriritira mwana wake achiti, “Ndinokwanisa kubhadhara $10 nekuti ndinotambira $50 pamwedzi uye ndine mumwe mwana pamwe nemudzimai akazvitakura,” akadaro.
Mutongi Rebecca Takavadii akapa mutongo wekuti Chimbudzi abhadhare $25 pamwedzi zvisinei nekuti anotambira mari shoma nekuti ikodzero yababa kuchengeta mhuri yavo.
Chimbudzi akaratidza kutsutsumwa nemutongo wedare uyu ndokuti mwedzi uno haakwanise kubhadhara mari nekuti akatotambira kare izvo zvakaita kuti vanhu vaive mudare iri vatyoke mbabvu nekuseka.
Mutongi Takavadii akati dare haritarise izvozvo zvekuti munhu akatambira mari yake kare sezvo mendenenzi inofanira kunge ichibviswa. -Kwayedza

 

Polls

ZVINE BASA HERE JAYA KUROORA MUSIKANA ASIRI MHANDARA?
 

Documentary

Social Networking Links