|
Varimi vegorosi remuchando vogunun’una |
|
|
|
|
Thursday, 21 June 2012 11:14 |
|
naTandayi Motsi VARIMI vegorosi remuchando vari kugunun’una
nekuda kwedambudziko rekudzimwa-dzimwa kwemagetsi izvo vanoti zviri kudzosera basa ravo mumashure zvikuru. Izvi zvinotevera chirongwa chakatangwa nekambani yeZesa Holdings chekudzima magetsi panguva dzatarwa kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzenyika nedonzvo rekuti magetsi aya ave anokwanirana pakushandiswa kwawo. Mumwe murimi mukuru wekuMiddle Sabi, Cde Enock Porusingazi, vakati dambudziko rekudzimwa kwemagetsi rakange ranyanya kudunhu ravo.
“Hongu, tinoziva kuti kune chirongwa cheZesa chekudzima magetsi panguva dzakatarwa asi iye zvino ari kungodzimwa pose-pose pasina kutevedzera nguva idzi. Magetsi aya kana adzimwa anodzoka usiku apo vanhu vanenge varara uye mutoro chaiwo kuti ukwanise kudiridza zvakanaka usiku uhwu nekuda kwemhindo inenge iriko,” vakadaro Cde Porusingazi. Vakati dunhu ravo rine varimi vane chitsama vane zvikwereti neZesa zvemagetsi nekudaro chinangwa chavo chakange chiri chekuti kana varima gorosi iri vowana mabhadhariro ezvikwereti izvi. “Zvino nemadzimirwo ari kuitwa magetsi aya zvikaramba zvakadaro zvinotaridza kuti hapana chinobuda mwaka uno,” vakadaro. Cde Porusingazi vakati kambani yeZesa inofanira kuona kuti magetsi adzimwa zvine mwero.-Kwayedza
|