|
Mharakurwa oenda kumaParalympics |
|
|
|
|
Thursday, 21 June 2012 11:20 |
|
neMunyori weKwayedza SHASHA yemutambo wewiricheya tenesi
— Nyasha Mharakurwa —svondo rino akapihwa tikiti rekuenda kumakwikwi eLondon Paralympics 2012 nesangano reInternational Paralympics Committee mushure mekunge aonekwa kuti ange achitamba zvinodakadza mumitambo yake gore rino. Zimbabwe yakange ichifanirwa kutumira vatambi vaviri murume nemukadzi uye pavanhurume pakasarudzwa Eliot Mujaji uyo ane mukurumbira zvekare wekuhwapura menduru kumakwikwi emaparalympics.
Sangano reZimbabwe Paralympics Committee rakati riri kumhanya-mhanya kuti rigadzirise kuti shangwiti idzi dzikwanise kuenda dzose kumakwikwi aya nechinangwa chekuti chikwata cheZimbabwe chiwane mukana wakakura wekuhwina menduru dzakawanda. Munyori mukuru weZimbabwe Paralympics Committee, Lewis Garaba, akati vari kuita zvose zvavanokwanisa kuti vatambi vaviri ava vaende kumakwikwi aya.
Akati Zimbabwe yainge ichifanirwa kutumira vatambi vaviri kuLondon vanove murume nemukadzi asi vakadzi vese vakarambirwa nekuti vakatadza kukwana mumapoka avaida kunokwikwidza. Garaba akati Mujaji vakambenge vataura naye vachimuudza kuti Mharakurwa anogona kusarudzwa kuti aende kunokwikwidza akamiririra nyika. “Chikwata cheZimbabwe chaifanirwa kutumira munhu mumwe chete kuenda kumaLondon Paralympics saka Eliot Mujaji ainge atokwana kare nekuti vagara vanomuziva kuti anomhanya zvikuru asi svondo rino Nyasha Mharakurwa akakwanawo muboka rake retenisi. “Saka parizvino ndizvo zvatiri kumhanya-mhanya kugadzirisa. Mujaji akamboti zvake hazvina kuipa pakaenda munhu mumwe chete asi isu chishuviro chedu kuti vose vaende kunomiririra nyika yedu,” akadaro Garaba.-Kwayedza
|