| ‘Ngaiuye Bosso yacho’ |
|
|
|
| Thursday, 21 June 2012 11:22 |
|
Chikwata cheMotor Action chiri kusangana neHighlanders iyo iri pamusoro peligi kunhandare yeRufaro mumutambo unotarisirwa kutsva demo kuchisara mupinyi. Mutevedzeri wemurairidzi weMotor Action, David George, akati chikwata chavo chakawana nguva refu yekugadzirira mutambo uyu uye hachisi kuzonzwira Bosso, sezita remadunhurirwa reHighlanders, tsitsi pavari kusangana. “Kubva painge pamiswa mitambo yese masvondo matatu apfuura tange tichingogadzirira mutambo uyu nemimwe iri kutevera. “Bosso patiri kusangana nayo hatisi kuda kumboipa nguva yekupukunyuka nekuti tiri kuda kuirakasha kuseri neseri nekuti zvikwata zvese zvinoda kukunda. Isu tiri kurwirawo kuenda pamusoro peligi sezvimwe zvikwata zvese zvemuligi saka Bosso hatisi kumboipa nguva, tiri kuda kuidonhodzera pasi,” akadaro George. Chikwata cheMotor Action chichange chisina kaputeni wacho anove zvakare mubati wepagedhi, Marlon Jani, uyo ari muchipatara mushure mekubatwa chirwere cheshuga apo ainge ashevedzwa kuchikwata chemaWarriors. George akati vari kunamata kuti Jani akurumidze kupora adzoke azotambe mutambo uyu asi akanonoka kupora vane mumwe mubati wepagedhi — Ronnie Mudimu — anogona kufambisa basa. Zvakadaro, murairidzi weHighlanders Kelvin Kaindu akati chikwata chake svondo rino hachisi kupa Motor Action mukana wekufema nekuti havasi kuda kuti ivakanganise mwaka wavo wakanaka chaizvo. Akati vari kuuya kuHarare kuzohwina chete sezvavange vachiita mumitambo yavo yese yavatamba mwaka uno. Bosso mumitambo yavo yese yavatamba iri mipfumbamwe vakahwina minomwe vakaita mangange kaviri. “Motor Action hatisi kuda kuita zvekutamba nayo, tiri kuda kuiradzika toziva kuti tapedza nayo. “Tiri kuuya kuzotsvaga kuhwina chete kuHarare saka Motor Action ichachiona nekuti chikwata changu hachisi kutambisa chiri kuumburudza seri neseri,” akadaro Kaindu. Mune mimwe mitambo, chikwata cheCAPS United ‘Shaisa mufaro’ icho vazhinji vari kuti hachisi kutamba zvinodakadza mwaka uno chiri kusangana neBuffaloes iyo iri kuuya nazvo kunhandare yeNational Sports Stadium. Dynamos ‘DeMbare’ ichananga kuLafarge uko ichanomisidzana nevakomana veGunners musi weSvondo.-Kwayedza
|