Thursday, May 23rd
Headlines:
Peter ari mugwara kwaro — Macheso PDF Print E-mail
Thursday, 21 June 2012 00:00

naShein Kanyumwa
MUIMBI wesungura, Alick Macheso, ari kurumbidza Peter Moyo

uyo ari kutungamirira chikwata cheUtakataka Express achiti pari zvino ave mugwara rakanaka sezvo ari kukwanisa kuita mashoo ari kufadza vanhu.
Mukutaura naMacheso, akati anoona ramangwana raPeter rakajeka uye akamutora semuimbi akarongeka achiri kusimukira kupinda vamwe avo vaakati vanongogona kutaura chete vasingakwanise kufadza vanhu nemhanzi.

“Kunyangwe zvazvo Peter akamborasikirwa nedzimwe nhengo dzechikwata chake idzo dzaizviita nyanzvi, haana kurasa mbereko nekuda kwekufirwa akashinga kusvika ava paari nhasi atova nembiri kudarika vamwe vaimbi vakabvira kare kuridza.
“Chimwe chinhu chiri paari akarongeka uye anoita zvinhu zvinodiwa nevatsigiri kunyangwe pamashoo angu andakaita naye muimbi aidadisa zvikuru anozvipa nguva yekufadza vatsigiri kusvika vaneta naye zvinoita kuti mangwana varambe vachikutsigira,” akadaro Macheso.
Macheso akaenderera mberi achiti dambudziko guru rine vamwe vaimbi ndere kutarisirana pasi nekusafadza vatsigiri.

Zvakadaro, Peter akarumbidza zvikuru Macheso nekumubatsira nemazano pamwechete nekumuratidza gwara rakanaka muindasitiri yemagitare iyi.
“Vamwe vairidza nababa vangu (mushakabvu Tongai Moyo) vakandisiya ndisati ndave kunyatsoziva basa iri asi Macheso akamira neni akandiudza matambudziko ese anosanganikwa nawo pakuridza magitare nezvinoparadza zvinova ndizvo zvandiri kutevedzera.
“Pakafa baba wangu, ndakanga ndisati ndaita nguva yakakura ndichiridza navo saka ndakazobatsirwa naMacheso nevamwe vaimbi asi Macheso ndiye akanyanya kufamba neni rwendo rwakakura rwemagitare,” akadaro Peter.-Kwayedza

 

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links