|
‘Kushomeka kwemachiremba kuri kugadziriswa’ |
|
|
|
|
Friday, 22 June 2012 07:29 |
naTandayi Motsi HURUMENDE inoti iri kutora matanho kutimuzvipatara zvose zvenyika muve nanachiremba
vanokwanirana.
Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri
wegurukota reutano nekurerwa zvakanaka kwevana, Dr Douglas Mombeshora, mudare reParamende. Dr Mombeshora vaipindura mubvunzo wenhengo inomirira Sanyati mudare reHouse of Assembly, Cde Fungai Chaderopa, avo vaida kuziva zviri kuitwa neHurumende kuti zvipatara zvive namachiremba akakwana.
Dr Mombeshora vakati vanachiremba vashoma munyika asi dambudziko iri riri kugariswa sezvo kuine vamwe vari kudzidzira basa. “Tiri kushanda nesimba kuti apo vanenge vachiri kudzidzira tivaendese kuzvipatara zviri kunze kwemadhorobha izvo zvakanyanya kuomerwa. Tine zvipatara zvingangosvika 57 nyika yose uye tiri kudzidzisa vanachiremba 100 gore roga-roga. Saka tinovimba kuti vashoma vachasara vari mumadhorobha, vamwe vose voendeswa kumaruwa,” vakadaro Dr Mombeshora.
Dambudziko rekudzima-dzima kwemagetsi, vakadaro Dr Mombershora, riri kukanganisawo zvakare kufamba zvakanaka kwemabasa muzvipatara. Dr Mombeshora vakati chishuvo chavo kuti zvipatara zvose zvive nemagwenya kuitira kuti kana magetsi akaenda hazvikanganise basa rakaita sekusunungutswa kwemadzimai nekuvhiyiwa kwevarwere. “Zvipatara zvakawanda zvine magwenya asi vari kusangana nedambudziko rekushomeka kwemafuta. Tiri kuziva zvimhingamipinyu zvavari kusangana nazvo uye ndinovimba kuti tichazvigadzirisa nekufamba kwenguva,” vakadaro.-Kwayedza
|