|
naShein Kanyumwa HAKASI kazhinji kuti mukuwasha naambuya — amai vemukadzi — kana kuti natezvara vatosvorane
sezvo ava vari vanhu vanonyarana nekukudzana nguva dzose. Asi mhuri mbiri — yekumukuwasha neyekwatezvara “zvarimirana” zvekuti vave kutokandana makobvu nematete.
Mhuri mbiri idzi dziri kunakurirana nyoka mhenyu zvichitevera kufa kwevana vaviri nemoto zvisinganzwisisike kubhuku rekwaShambare, kwaMurehwa nguva pfupi yadarika. Vana vokutsvira mumba ava ndiBiyosha (4) naShalome (5) Motsi avo vaigara naambuya vavo, Emma Gavaza (59) kwaDandara. Mwanasikana waMbuya Gavaza, Rumbidzayi Gavaza (27), ndiye amai vevana ava kuchiti baba vacho ndiAbisha Motsi (33) vanogara kuMazowe. Kufira murimi remoto kwevana vaviri ava apo vainge vachigara naambuya, amai vaamai vavo, kwaunza kusawirirana pakati pemhuri mbiri idzi. Pangova nekunongedzana mhuri dzichipomerana kuti firo yakaita vana ava “yaisava kuita kwaMwari” bedzi. Vabereki vevana vekufa vakasiyana. Mbuya Gavaza vanoti pakazoitika tsaona iyi vakanga vave nemwedzi mitanhatu vachigara nevazukuru vavo ava mushure mekunge mwanasikana wavo abva kumurume.
Vanoti havazive chakakonzeresa moto uyu sezvo vakazongoona denga remba rave kutodonhera mukati. “Ndakabuda mumba ndichiti ndinorara kuma8 manheru apo pakabva pasvika Edwick Machingura aine chikafu chaainge atumirwa naamai vevana ava ndokubva ndazama kubatidza mwenje ukaramba sezvo ndainge ndasarirwa nekamuchisi kamwe chete. Ndakazobuda zvakadaro ndokunogara muimba yekubikira umo maiva naMachingura. “Pasina maminitsi anosvika 30 ndakazonzwa mhere mumba mainge makarara vana ava uye pandakabuda ndakaona denga remba iyi rave kutowira mukati ndikambozama kupinda ndichida kutora vana asi zvakaramba. Vana vakabva vangofira imomo,” vakadaro Mbuya Gavaza. Machingura anoti ichokwadi kuti akanga aenda nechikafu kuti anopa Mbuya Gavaza icho chaainge atumirwa naamai vevana ava asi haazive chakakonzeresa moto uyu.
“Chakakonzeresa moto handina ruzivo nazvo, kana kuti ambuya ava vakasiya kenduru ichibvira handizivi nekuti ndakazobata ambuya vave kuda kupinda mumba umu vachiti ‘ndinoda kufa nevazukuru vangu’,” akadaro Machingura. Rumbidzayi akati akange asina neremuromo nemaitikiro akaita zvinhu uye ave kungozvipira kuna Mwari. “Ndinoziva kufa kwagara kuriko asi zvakazoitwa nehama dzemurume wangu hazvina kundifadza. Vakauya vakatora mitumbi yevana kumochari kwaMurehwa isusu tiri kumba vachibva vaenda kunoiradzika kumusha kwavo kuMazowe. Kana pfungwa dzangu dzadekara ndichatevera ndinoona pakaradzikwa vana vangu,” akadaro. “Vana vangu vanga vave nemwedzi mitanhatu vachigara pano, zvisinei kutonga kwedenga hapana chandingaite pamusoro pazvo,” akadaro Rumbidzayi misodzi ichiti mokoto-mokoto pamatama.
Ukuwo Abisha anoti ane fungidziro yekuti ambuya vake ndivo vakashereketa pavana vake. “Ambuya vangu ndivo vari kuziva zvavakaita nevana vangu, vakazongobatidza moto senzira yekuvhara zvinhu zvainge zvaitika apa nekuti vana havangatsve nemoto voramba vari panzvimbo imwe chete pasina kana kumbozama kutiza. “Vana ava vakatanga vaisirwa mushonga vachibva vafa, vakazongobatidza moto kuti vanhu vafunge kuti vana vatsva nemoto. Kana zvekuti takatora mitumbi kuchipatara vasingazive kunyeperwa nekuti takavaudza kuti tisangane pachipatara paMurehwa asi havana kuuya saka haisi mhosva yedu,” akadaro Abisha. Akaenderera mberi achiti chimwe chinomunetsa ndechekuti akambokumbira vana achiti anoda kuti vaende kukireshi asi Rumbidzayi ndokutsika madziro.
Peter Masaure, anova hanzvadzi yaRumbidzayi, anoti anewo fungidziro yekuti vekumukuwasha wake vanogona kunge vaine zvavanoziva pamusoro pekufa kwevana ava sezvo pasina akauya achibata mawoko kwavari savanatezvara. “Zvinhu zvaitika apa handina kuzvinzwisisa, ndinoona sekunge hama dzemurume dzine zvadzinoziva nekuti vakazouya vachitora mitumbi kuchipatara vakaenda nayo vega kuLowdale, kuMazowe vakanoviga pasina hama dzekumukadzi kana imwe chete zvayo,” akadaro Masaure. Beauty Gavaza (47) anova mukoma waRumbidzayi akati zvinhu zvakaitika apa haazvinzwisise izvo akati zvinogona kunge zviine chivanhu mukati. Mai Emaculate Chimimba (53) vanova amai vaAbisha vari kudya magaka neminzwa yawo vachiti vazukuru vavo vakapisirwa mumba naamukurungai vavo senzira yekuda kuvarwadzisa. “Kufunga kuti pamba apa panogara vana 11 asi vana vemwana wangu ndivo vega vakatsvira mumba uye sei vari ivo vakatanga kuenda kunorariswa? “Zvimwe zvinhu zvinongoda kuongororwa apa kuti pavana 11 pongotsva vomunhu mumwe chete.
Pane zvakaitika ipapo. “Kufunga kuti ndini ndaigara nevana ava muroora akavatora vatadza kuwirirana nemurume ndikambozama kutaura naye asi zvakaramba ndikazokumbira futi vana asi akaramba navo kusvika pazoitika izvi,” vakadaro Mai Chimimba. Angelicar Motsi, hanzvadzi yaAbisha, akati pane masaramusi akaitwa pavana ava zvinova zvisiri kuda kuburitswa zvekuti mapurisa akazvitsvaga, chokwadi chichabuda pachena. “Kufunga kuti pese panobvira moto, kunyanya kumusha, vanhu mungatadze kuona chiedza kunyangwe muri kure zvakadii?” akadaro Angelicar
Baba vaAbisha, VaTsungayi Tichatora Motsi (66), vakati kutsva kwevazukuru vavo zvingangodaro zviine chivanhu sezvo kubvira mwana wavo achinoroora pakanga paine matambudziko makuru. “Pakaroorwa muroora wangu uyu hapana kana baba vakamumiririra, painge paina sisi wacho kozoti rimwe dambudziko rakauya apo akanga ave kuuya kuti tizomupemberera apo vana vangu, kusanganisira naiye muroora, vakaita tsaona. “Ndakabva ndangoona kuti pane mhepo dzainge dziripo apa. Saka zvekufa kwevazukuru vangu ndinoti imhepo dziri mumusha mavo,” vakadaro VaMotsi.
Mupurisa anoona nezvekudyidzana neveruzhinji kudunhu reMurehwa, Sergeant Langton Mbauya, akatsinhira nyaya iyi. Akakurudzira vanhu kuti kana pachinge paita matambudziko akadai vanofanira kugara pasi votaurirana mune zvakanaka. “Vanhu munogona kutadza kuwirirana ndiko kusaka kuine mapurisa, masabhuku, madzishe nevafundisi varipo pakukuyananisai kwete kutsvaga zvizhinji. “Chimwe chandinokurudzira ndechekuti vanhu ngatirege kushandisa zvinhu zvakaita sembaura mumba nemoto kunyanya dzimba dzinorara vanhu. Vanhu vanofanirwa kutanga vadzima moto vasati varara,” vakadaro Sgt Mbauya.-Kwayedza
|