|
Zvimbokoma zvobaka pazororo remagamba |
|
|
|
|
Thursday, 28 June 2012 08:43 |
neMunyori weKwayedza SANGANO reZimbabwe Kickboxing Association
rinoti riri kufara nekukura kwemakwikwi eInternational Heroes Cup ayo ariri kuronga achaona zvikwata zveFinland, Nigeria, South Africa, Kenya pamwe neNamibia zvichiuya kuzokwikwidza mumutambo uyu muna Nyamavhuvhu pazororo remagamba reHeroes’ Day. Mutungamiriri wesangano iri, Tony Kamangira, akati makwikwi eInternational Heroes’ Cup akawana rutsigiro rwakanyanya zvekuti nyika dzakawanda gore rino dzakati dzinoda kuuya kuzokwikwidza mumutambo uyu.
Akati gore rapfuura zvikwata zviviri chete zvinoti Finland neEquatorial Guinea ndizvo zvakakwanisa kuuya kuzokwikwidza mumutambo uyu uyo wakaona zvikwata izvi zvese zvichihwina menduru mumapoka akasiyana. Gore rino zvikwata zvinopfuura zvishanu zvakati zvinoda kuuya kuzopinda mumutambo uyu. “Gore rapfuura ndipo patakatanga mutambo weInternational Heroes’ Cup uye takawana rutsigiro rwakanyanya zvekuti gore rino nyika dziri kuda kuuya dzakawandisa. Finland yataive nayo gore rapfuura yakatotiudza kare kuti iri kuuya uye yakatotumira mazita echikwata chavo chavari kuuya nacho kumakwikwi aya.
“Izvi zviri kurakidza kuti makwikwi edu aya ari kukura nekuti takaatanga gore rapfuura nezvikwata zvitatu uye gore rino zvikwata zvinoda kuuya kuzokwikwidza zvinopfura zvishanu” akadaro Kamangira. Chikwata cheZimbabwe chakaisa tariro pane vatambi vanoti Brighton Tangata, uyo ane mukurumbira wekuhwapura menduru mumitambo yepasi rose, naNicholas Kurimira pamwe naRonald Deketeke. Kamangira akati pamusoro pevatambi ava, chikwata cheZimbabwe chichawedzera vamwe vatambi kubva mumapurovhinzi ose enyika kuti chinge chakasimba chigowana mukana wakakura wekuhwapura menduru dzakawanda mumutambo uyu. “Chikwata chedu chakaisa tariro yekuhwapura menduru pane vatambi vanoti Brighton Tangata, Nicholas Kurimira naRonald Deketeke kuti vakwanise kubata basa musi uyu. Pamusoro pazvo, tiri kuda kuwedzera vamwe vatambi kubva kumapurovhinzi ose emunyika kuti chikwata chedu chinge chine mukana wakasimba wekuhwapura menduru,” akadaro Kamangira.-Kwayedza
|