|
Thursday, 28 June 2012 08:45 |
|
naAbel Ndooka KAPUTENI wechikwata cheDynamos FC, Washington Arubi,
anoti vane gomo guru rekukwira svondo rino apo vachasangana nechikwata cheInter Clube chekuAngola mumutambo weCAF Confederations Cup kunhandare yeRufaro. Arubi akati chikwata chake chiri kutsvaga kuhwina chete mumutambo uyu zvekuti pavanozoendawo kuAngola, kunyangwe vakanoita mangange, zvinenge zvakavanakira nekuti vanenge vabudirira kuenderera mberi mumutambo uyu.
Mukutaura naArubi svondo rino achangopedza kutirena, akati morari wechikwata chake wakakwira chaizvo zvichitevera kuhwina kwavakaita mutambo wavo wekupedzisira apo vakaradzika chikwata cheGunners 2-1 pamusha payo. Akati ari kufara nekusimba kwakaita chikwata chake izvozvi nekuti vatambi vose vainge vakakuvara vakadzoka uye vakakwanisa kutirena navo svondo rino zvichirakidza kuti chikwata chavo chichange chakasimba musi wemutambo uyu. “Patiri kupinda mumutambo wedu neInter Clube yekuAngola tiri kungotsvaga kuhwina chete kuno kuitira kuti patichazoenda ikoko kunyangwe tikanoita mangange tinenge tave kuziva kuti tabudirira kuenderera mberi mumutambo uyu.
“Chikwata chedu chiri kuratidza kusimba chaizvo nekuti vatambi vainge vakakuvara vese takatirena navo svondo rino saka Inter Clube hatisi kumboipa mukana wekufema musi weSvondo,” akadaro Arubi. Mutambo weDeMbare, sezita remadunhurirwa reDynamos, neInter Clube uchange uri waArubi wekutanga kusangana nechikwata chekuAngola ari mutambi pamwe nakaputeni wechikwata ichi. Akati mutambo uyu uchange uri mutsva kwaari pamwe nechikwata chake saka vachange vakavhura ziso kuti vasawane pavanokanganisa nekuti zvinogona kuvavhiringa vakakundwa nekuda kwezvinhu zvisina maturo. “Ini hangu mutambo uyu unenge uri mutsva kwandiri nekuti handisati ndambosangana nezvikwata zvekuAngola saka mutambo uyu uchange uri wekutanga kwandiri pamwe nechikwata changu. “Vakomana ndiri kuvaudza kuti tigare takangwarira nekuti hatina zvakanyanya zvatinoziva pamusoro pezvikwata zvekuAngola saka tichange takachenjerera musi wacho,” akadaro Arubi. Chikwata chemaGlamour Boys chiri kutarisira kuti vatambi vavo avo vakaenda kunoedza mhanza kuzvikwata zvekuSouth Africa vange vadzoka pakupera kwesvondo rino kuti vakwanise kutirena nevamwe uye vatambe mumutambo wavo neInter Clube.-Kwayedza
|