|
neMunyori weKwayedza
KUNE zvimwe zvinhu zvinoitika muupenyu zvekuti humhizha hwesainzi hwemazuva ano pamwe chete nevanhuwo
zvavo havakwanise kuzvitsanangura. Izvi ndizvo zvakaitika kubhuku rakwaMatiengane, kwaChigodora kwaShe Zimunya uko svondo rapera kwakaonekwa musvesvenenga wemhungu iyo yaive yakareba mamita maviri uye pedyo nemusoro wayo paine mapikicha matatu madiki emwana mukomana achiri pazera rekuenda kuchikoro. Mashura ezinyoka rainge rakafa aya akaonekwa padivi pemugwagwa, pedyo neimwe imba uye kune mamwe mashoko anoti mamwe mapikicha maviri akaonekwa ari pedyo nemuswe wenyoka iyi.
Pakashanyirwa nzvimbo iyi nevatori venhau nemusi weMuvhuro, vamwe vagari veko vakange vakaungana paive nechikara ichi vashaya mazano. Paive nematombo maviri makuru aive akatsitsirira nyoka iyi uye musoro wayo waive wakatsamiriswa dombo diki, iro rainzi nevamwe vanhu yaiva piro. Chimwe chiri kutemesa vanhu misoro ndechokuti nyoka iyi haisi kuora — kubva payakaonekwa nazvino hapana chati chasanduka. “Sei isiri kuora kubva payakaonekwa yakafa neMugovera? Muridzi wenyoka iyi ndiani? Akaiuraya akaiisa pano ndiani sezvo pasina akaona zvakaitika?” Iyi mibvunzo yaibvunzwa nemhomho yevanhu vakange vakaungana panzvimbo iyi. Asi mapikicha emwana mukomana ayo aive aripo ndiwo akaita kuti vanhu vafunge zvakawanda, vamwe vachiti pamwe nyoka iye yakauraiwa iri parwendo rwekunokuvadza mwana uyu vamwewo vachiti muridzi wayo akange aneta nekuishandisa ndokubva azoiuraya.
Mumwe musharukwa wemunzvimbo iyi, uyo akaramba kuti zita rake ribuditswe, akati “aya ndiwo mashura chaiwo”. “Aya manenji chaiwo. Ndagara mubhuku rino kubvira 1962 asi handisati ndamboona zvinhu zvakadai. Izvi hazvisi zvoga nekuti dai pasina chiripo sei mapikicha aya asina kupeperetswa nemhepo uye sei nyoka iyi isiri kunhuhwa sezvo yakaonekwa neMugovera?” akadaro. Murume ane musha pedyo nepakaonekwa nyoka iyi akati haana ruzivo rwekuti zvaive zvafamba sei. Akati akange ari pamba pake apo mumwe munhu aidarika nenzira akamushevedza kuti auye kuzoona mashura aya uye akashamisika apo vakatsvaga muhwezva wekwakange kwabva nenyoka iyi vakakushaya. “Pakutanga nyoka iyi yakange yakazvimoneredza iri pedyo nechivanze changu uye mapikicha matatu emwana mukomana akange ari padivi remusoro wayo, mamwe maviri ari kumuswe kwayo.
“Takakwenya misoro tichifunga zvaive zvaitika asi tikazvishaya. Takazoshamisika musi weSvondo apo takaona nyoka iyi yabviswa payakange iri. Hatizivi kuti ndiani akazviita uye mapikicha maviri ayo akange ari kumuswe kwayo akange asisipo,” akadaro. Gakava rakazomuka pamusoro penyoka iyi, vamwe vachiti inofanira kupiswa asi vamwe vachiti kana vakazofema mweya wacho apo inenge ichitsva zvinogona kukanganisa upenyu hwavo. Nekudaro vanhu vaivepo vakazowirirana kuti vaicherere gomba vagoifushira zvinova zvakazoitika. Vamwe vanhu vanoti nyoka iyi ine chokuita nevanhu vanodaidzwa kuti maSatanist avo vanogona kunge vairengerera rufu rwemwana akaonekwa mufananidzo wake apa. Hapana akakwanisa kutaura kunogara mukomana aive nemifananidzo yaive padivi penyoka iyi sezvo vanhu vose vaivepo vaingotsika-tsika, vamwe vachiti vanomuziva uye anodzidza pachikoro chiri pedyo munzvimbo makare. Vachitaura pamusoro pechiitiko ichi, munyori mukuru (secretary-general) wesangano reZimbabwe National Traditional Healers’ Association VaAlex Mashoko vakati zviri pachena kuti aya mabasa ehuroyi. “Nyoka dzinoshandiswa nevanhu vakaipa kuvashandira. Izvi zvinoratidza kuti nyoka iyi yange iri parwendo. Mapikicha aya akabvepi? Izvi hazvisi zvinhu zviri zvoga. Isu sesangano tinokwanisa kubatsira padambudziko iri, asi hazvisi nyore kubatsira panyoka dzakadai idzi idzo dzinenge dziri parwendo.
“Chiwororo kupisa nyoka iyi nekuti kungoiisa mugomba chete, imwe inogona kumuka kubvamo zvakare yakakonzeresa nyonganyonga munzvimbo iyi. Tinoyambira zvakare vanhu kuti varasire nyoka dzerudzi urwu pedyo nemvura nekumwaya munyu pamwe chete nehupfu kuitira kuti zvibve zvaparara zvachose,” vakadaro. Nemusi weChipiri uno, zvinonzi pane murume akasvika panzvimbo pane nyoka iyi achidya marasha achida kuziva kuti ndiani ainge aiuraya. Anonzi akati nyoka iyi ndeyake uye nyakuita izvi achapedzerana naye. “Aidya marasha achida kuziva akaiuraya uye aiti ndeyake. Chava kutyisa ndechekuti akati achapedzerana nemunhu akaiuraya,” akadaro mumwe murume asi ndokuramba kudurwa zita rake nekutya.-Kwayedza
|