|
AON Zimbabwe yakabatsira Harare |
|
|
|
|
Thursday, 28 June 2012 08:54 |
neMunyori weKwayedza KAMBANI yeAON Zimbabwe svondo rapera y
akapemberera makore 25 nekupa chipo chemabhini, magirovhosi nezvimwewo kukanzuru yeHarare pamwe nekutsvaira mukati meguta senzira yekudzorera kunharaunda. Mai Susan Mutangadura, avo vanova managing director wekambani iyi muZimbabwe, vakati vari kubatana nemamwe makambani ekunze kwenyika kubatsira muzvirongwa zvemunharaunda mavari. “Nhasi izuva ratiri kupembera makore 25 uye pasi rose tiri kuzvipa nguva yakareba maawa 25 000 ekushanda tichidzorera munharaunda dzatiri kuitira mabhizimusi edu uye zuva iri tiri kurideedza kuti AON’s Global Service Day.
“Mufaro mukuru kushanda nekanzuru yeHarare apo tiri kutsvaira mumigwagwa uye kupa chipo chedu chemitsvairo, magirovhosi, mabhini nezvimwewo zvekushandisa kuti guta redu rigare rakachena,” vakadaro. Mai Mutangadura vakaenderera mberi vachiti kambani yavo iri kuzogadzirisa imwe yemaamburenzi ekanzura yeHarare apo mana ari iwo bedzi ari kushanda pa24 aripo. Mayor weguta reHarare, VaMuchadeyi Masunda, vakatenda zvipo izvi vakati kanzura yavo ichazvishandisa nemazvo. “Tinotenda nechipo ichi uye tichazvishandisa basa rakafanira pamwe nekuzvichengetedza. “Chishuwo changu kuti mamwe makambani achaona basa rakanaka ramaita vobva vapindawo mazviri kuti guta redu rigare rakashambidzika,” vakadaro.-Kwayedza
|