|
Star FM yava kutepfenyura |
|
|
|
|
Thursday, 28 June 2012 08:55 |
|
neMunyori weKwayedza
NHEPFENYURO itsva yeZimpapers Talk RadioStar FM yakaparurwa nemusi weMuvhuro svondo rino zvichitevera mwedzi mishoma apo yakapihwa rezinesi rekutepfenyura nesangano reBroadcasting Authority of Zimbabwe. Star FM, iyo iri kutepfenyura iri pamasai-sai anoti 89.7 ne93.1 Megahertz muHarare neBulawayo, ndiyo nhepfenyuro yezvemabhizimisi yekutanga muZimbabwe kubva pakawana nyika kuzvitonga kuzere. Chiteshi nemahofisi ayo zvinowanikwa mumugwagwa waSimon Mazorodze, muHarare. Inotepfenyura kwemaawa 24 — PUNGWE — mazuva OSE — mwedzi YOSE pagore.
Michina yacho ndeye pamusoro-soro — vasingatenderere pakutaura vanoti yechizvino-zvino — uye inopakura mashoko nemhanzi zvakatsetseka. Hakuna kumwe kwayati yave muAfrica kunze kweStar FM. Vachitaura pakuparurwa kwenhepfunyuro iyi, sachigaro webhodhi reZimpapers, Dr Paul Chimedza, vakati kambani yavo yazviita uye yanyora nhoroondo munyika. Vakati apo nyika iri kubatana mukuvakurudza upfumi pamwe netsika nemagariro evanhu, zvakakosha kuti izvi zvisimbisiswe kuburikidza nemashoko matsva ekupemberera pamwe nekupa tariro. Dr Chimedza vakati sekambani huru panyaya dzekuburitswa kwenhau, Zimpapers yakaona zvakakosha kuti ivandudze mashandiro ayo kuitira varidzi vayo pamwe nenyika.
“Zimpapers Talk Radio yakaberekwa zvichitevera kuziva kwakange kuripo kuti
Zimbabwe ichienderera mberi nekuvhurwa kwemasai-sai pamwe nekupa mikana kune vose vanenge vachida,” vakadaro. Dr Chimedza vakati chinangwa cheStar FM ndechekuchidzira mwenje weZimbabwe uyo waona nyika ichiva mhare munyaya dzakaita sedzidzo, kurima nezvemitambo. Chamangwiza veZimpapers, VaJustin Mutasa vakati kambani yavo inodada kuve nenhepfunyuro yekutanga yezvemabhizimisi kubva pakawana nyika kuzvitonga kuzere. “Ndakamirira vashandi, vakuru vevashandi nebhodhi, ndinoda kuti makorokoto basa raitwa zvakanaka,” vakadaro.
Zimpapers, vakadaro VaMutasa, inodada nezvakaitika uye haina kunyadzisa sangano reBAZ iro rakave nechivimbo nayo pakuipa rezinesi. VaMutasa vakati Zimpapers ine hurongwa hwekuti ive kambani yenhau yakazara kuburikidza nekuve nemapepanhau, nhepfenyuro nezviteshi zveterevhizheni. Talk Radio general manager, VaAdmire Taderera, vakati nhepfenyuro iyi ichishanda zvakatsanangurika izvo zvichaita kuti idiwe nevatereri. Vakati vachapakura zvirongwa zvakasiyana-siyana zviri pamusoro pezvinobata-bata vanhu mumagariro avo zuva nezuva. Zvirongwa izvi zvinosanganisira matambudziko akatarisana nevanhukadzi pamwe nenhau dzemitambo.-Kwayedza
|