|
naTandayi Motsi
“YAMBIRO yangu yandinoda kupa kunemi vari kunze uko,mose vakuru nevadiki, ndeyekuti fungai kaviri musati mapara mhosva — nekuti mujeri hamuite. Chionai zvino ini ndachemberera mujeri nekuda kwenyaya dzehumbavha — kuba! “Ndachemberera mujeri nemhosva dzekuba motokari. Ndave kunyanya kuzvishora nekuti imwe yemotokari dzandakaba yaive amburenzi — iyo yaifanira kunge ichibatsira varwere vanosanganisira inini.” Aya mashoko akataurwa naTomson Howard Banda (61) — murume achemberera kujeri nekugara akasungwa nenyaya dzehumbavha. Iye zvino ari kupika ari paHarare Central Prison mushure mekutongerwa makore 39 emhosva ina dzekuba motokari.
Banda, uyo pari zvino apika makore 23 emutongo uyu, anoti aive mbavha yemakoko pakuba motokari. Nguva yake refu ndeyekunge ari mujeri, achimbobuda, odzokerazve akoromora imwe. Asi zvino anoti jeri razomuworora, apfidza zvokuti ave kuda kuvamba mamwe mararamiro asina hugororo. Asi zvakambotanga sei? “Mhosva yangu yekutanga ndakaipara mugore ra1967 — yaive yekubaya munhu nebanga mushure mekunge tanetsana ndokusungwa ndonopika jeri. Kubva ipapo dakara zvino, murume uyu anongova neupenyu hwekugara mujeri, achipinda achibuda. “Kubva ipapo ndakave munhu aigara achipara mhosva chete, ndichingopika uye mhosva yekupedzisira yekuba motokari iyo yandiri kupikira yave yechitanhatu.
“Zvinoitika ndezvekuti kunze uku kune shamwari dzinofurira, saka
ndidzo dzaindifurira kuti ndipare mhosva,” akadaro. Katanhatu kese uye kuchena musoro achingofurirwa! Banda anoti mhosva dzazoita kuti achemberere mujeri dzekuba motokari idzi akadzipara muna1989 apo iye neshamwari dzake vakaba motokari ina panguva dzakasiyana, dzimwe dzacho vakatengesa asi dzimwe dzakazowanikwa pamba pake kuMarondera kwaaigara. “Takaenda pane imwe purazi yemurungu kuHeadlands tikaba motokari yerudzi rwePeugeot 404, tikazoenda zvakare kuNyanga uko takaba amburenzi yaive yakapakwa pane rimwe garaji.
“KuMvurwi takanoba imwe motokari zvakare yerudzi rwePeugeot 404 apo takazobira futi mumwe murume motokari yake uyo aive atikwidza tichibva kuMarondera tichienda Harare. “Asi pakuba kwese kwataiita uku ndakazvishora zvikuru uye nanhasi ndinozvishora. Kuba amburenzi — motokari inobatsira varwere vanosanganisira inini?” akadaro. Banda, uyo akati aiva asina rezinesi rekutyaira motokari paaipara mhosva idzi, anoti motokari dzose idzi vaiba vasina kupakata zvombo uye vaidzimutsa hinjini kuburikidza nekubatanidza tambo dzemagetsi. Anoti vamwe vaaikoromora navo mhosva vakasungwa asi haazive kwavari. Otaura nezvemhuri yake, Banda anoti aive nemukadzi nevana vaviri asi mumwe wacho akashaya apo aive mujeri.
“Pandakasungwa kekupedzesera uye ndaziva kuti ndava kuzonoworera kujeri, mukadzi wangu uyo ainzi Violet Chatsakama achibva kwaChinjere, kwaMutoko ndakamuudza kuti ngaangoita zvaanenge achida. “Ndakamuudza kuti mhosva yakange iri yangu iye akange asina mhosva saka kana aida kupinda mubhawa kana kutsvaga vamwe varume zvaive kwaari nekuti chekumirira pakange pasina — sezvo ndaiziva kuti ndaizochemberera mujeri. Nekudaro mudzimai wangu akabva aenda kumusha kwake pandakasungwa.” Banda anoti pamhosva dzose dzaakapara mari yacho hapana chine musoro chaakaburitsa nayo sezvo akamboedza kuda kutenga imba kuMarondera zvikazopedzisira zvave kunetsa. Otaura nezveupenyu hwake hwemujeri, Banda anoti akadzidza zvakawanda zvinosanganisira kuridza magitare pamwe nekudzidzisa vamwe. “Ndine shamwari dzangu dzandinadzo muno mujeri dzechikuruwo idzo dzandi-nopangana nadzo mazano eupenyu.”
Banda, uyo akatanga kupika ari kuChikurubi Maximum Prison, anoti ane chishuwo chekudzidzira mamwe mabasa emawoko ari mujeri akaita sekuveza. Anoti kunyangwe zvazvo upenyu hwemujeri hwakaoma, vane nguvawo yekufara nevamwe vasungwa kuburikidza nekuita mitambo yakaita sevolleyball uye kune vemachechi vanovashanyira pamwe chete nekuvapa tariro muupenyu. Banda anoti chinomushamisa ndechekuti kunyangwe zvazvo jeri ramuworora rikamubika kuita “munhu kwaye”, kune vamwe vange vakambopika pamwe chete naye avo vaanozoona vachidzoka zvakare mushure mekuburitswa vapara dzimwe mhosva. Akati zvinotomunetsa kuti iye anoshuvira kuwana mukana wekuti abude kunze, asi kune vamwe vanotonakidzwa nekuramba vachidzoka mujeri.
“Patinovabvunza kuti ko sei madzoka zvakare mujeri, vamwe vanoti ‘mudhara kunze uku kwakaoma, hakusi kuita’. “Mumwe unonzwa achiti ‘ndakange ndapihwa basa rekuti nditakure zvinhu zvevanhu kuMbare ndichishandisa chingoro asi ndakazoita husimbe ndokutengesa chingoro chacho saka ndakazosungwa, ndosaka ndadzoka zvakare’. “Asi kana ini ndichiona handifungi kuti kunze uku kwakaoma nekuti dzimwe nguva pandinorwara ndinoendeswa kuchipatara cheParirenyatwa pamwe chete nevamwe vasungwa. Pandinodongorera nepatumahwindo panze motokari ichifamba ndinoona zvakawanda. “Ndinoona vanhu vanenge vachitengesa michero yakaita semabanana ndobva ndati saka vanhu ava vari kutoraramaka ava, saka vamwe vanogozoti kunze uku kwakaona sei? “Uye kuchena kunenge kwakaita vanhu vacho vandinoona nekuchena kwamakaita imi (vatori venhau) pamwe nevashandi vemuno mujeri (magadhijeri) zvinondiratidza kuti kunze uku hakuna kuoma sezvinotaurwa nevamwe asi kuti kunongoda munhu asingagarire mawoko,” akadaro. Zvisinei, anoti acharamba achiraira vechidiki kuti vasarambe vachipara mhosva.
“Ndiri kuramba ndichiraira vamwe, zvikuru vechidiki, kuti vasarambe vachipara mhosva vachidzoka muno nekuti hamuite. Kuba kunoparira,” akadaro Banda. Otaura nezveupenyu hwake kana achinge abuda mujeri, Banda anoti ave kuda kutamba nebadza — kuva murimi mukuru. Anoti kurima kune pundutso uye izvi ndizvo zvakaita kuti varungu varambire mapurazi ayo akazotorwa neHurumende pasi pechirongwa chekugovera ivhu kuruzhinji rwevatema. Banda anoti ane tarisiro yekuti achapedza kupika mutongo wake mugore ra2016 zvichitevera kubviswa kwakaitwa mamwe makore pamhosva yake. “Kuenda kunenge kuchiita vamwe mushure mekupedza mitongo yavo kunoita kuti iwe uzive kuti inga zvinopera wani. Asi shoko guru randinoda kusiira vamwe nderekuti ngatisaparei mhosva, jeri chiwororo,” akadaro.-Kwayedza
|