| Handisi kuzomira kutsikisa: Chipanga |
|
|
|
| Thursday, 28 June 2012 09:08 |
|
naShein Kanyumwa MUIMBI Hosiah Chipanga, uyo ane makore akawanda achiimba mhanzi asi zvinhu zvake zvichiramba kumufambira zvakanaka, oti haasi kuzomira kutsikisa mhanzi yake kunyangwe zvazvo isiri kutengwa nekuda kwepairesi. “Kunyangwe zvazvo pairesi yakatikakata bhande kunyanya kunesu vaimbi, ini handifunge kuti zvinganditadzise kutsikisa rimwe dambarefu. Chipanga akati pari zvino ari mubishi rekudzidzisa nhengo dzakatsiva vakomana vake vakamutiza paakadzokera kunogara kwaMutare avo vaakatora sevanhu vanoda hupenyu hwemuHarare. “Ndakarasikirwa nedzimwe nhengo dzangu apo pandainge ndave kuda kudzokera kwaMutare, zvinhu zvakandiratidza kuti vakomana ava vanovarairwa nekanhu kadiki uye nekuda upenyu hwechirungu asi munhu unofanirwa kujaira zvese. |