|
Awake Zim Trust yotsikisa madhirama ekudzivirira njodzi |
|
|
|
|
Thursday, 28 June 2012 09:09 |
neMunyori weKwayedza SANGANO reAwake Zimbabwe Trust rakabika mutambo
unopa chenjedzo pamusoro penjodzi mumigwagwa uyo unokurudzira vatyairi vemotokari kuti vachengetedze mitemo pakufamba. Sangano iri rine vatambi vemadhirama nemafirimu vari kusimukira vanoti Vusa Dzimwasha, Gamuchirai Duve naTarisai Mushangwe anove mwana wemushakabvu — Phillip ‘Paraffin’ Mushangwe. Rakafadza vanhu zvikuru svondo rapfuura pakaitwa mabiko emutyairi wegore muHarare apo vakaita mutambo wavo uyu. Vakataura vakamiririra sangano iri vakati vanobatikana zvikuru nekuitika kwetsaona idzo dzapedza vanhu mumigwagwa saka vakafunga zvekunyora mutambo uyu. Muhuruko naDuve pamwe naBzimwasha vakati kutambirwa kwakaitwa mutambo uyu nevatsigiri vavo kwave kuvatuma kuti vatsikise riri DVD.
Duve akati mutambo wavo uri pamusoro pekukukurudzira vatyairi kuti vachengetedza mitemo yemumigwagwa, kunyanya vatyairi vemakombi. Akati vatyairi vazhinji havasi kuchengetedza mitemo yemumigwagwa izvo zviri kukonzera njodzi nekudeuka kweropa revanhu vasina mhaka. “Mumutambo wedu weTraffic Awareness tinotaura pamusoro pekuchengetedza mutemo wemumigwagwa kuvatyairi vemotokari. “Vatyairi vazhinji vanomhanya izvo zvisingakurudzirwe uye havakoshese upenyu hwevanhu vavanenge vakatakura sezvinoitwa nevatyairi vemakombi.
“Saka mutambo wedu uri pakuyambira vanhu kuti vakoshese mitemo iyi uye pamwe nekukurudzira mapurisa kuti varange vanotyora mitemo nekuti vanhu vakawanda vari kurasikirwa nehupenyu nekuda kwekutyorwa kuri kuitwa mutemo uku,” akadaro Duve. Dzimwasha akati kune vamwe vatyairi vari kutyaira vakadhakwa izvo zvinova zvinokonzeresa njodzi. “Kune vamwe vatyairi vanotyaira motokari vakadhakwa izvo zvinokonzeresa njodzi zvakanyanya uye pakadai apa ivo vanogona kubuda munjodzi vasina kukuvara asi vamwe vanhu vasina mhosva ndivo vanokuvara zvakaipisisa kana kufa chaiko. “Saka izvi ndizvo zvatiri kuedza kurwisa nemutambo wedu uyu weTraffic Awareness,” akadaro Dzimwasha.-Kwayedza
|