|
Feeham opemha mari yekutsikisa |
|
|
|
|
Thursday, 28 June 2012 09:10 |
naDaphne Machiri MWANA wemuimbi ane mukurumbira, Daiton Somanje, Feeham Somanje
okumbira rubatsiro rwemari yekutsikisa dambarefu rake rekutanga rinonzi Ndezvedzinza iro anoti ave nemakore matatu achishaya mari yekuritsikisa. Feeham, uyo ane makore 24 okuberekwa, ane chipo chekushamarara uye ari kuunganidza mhomho yevanhu muguta reMarondera nemumapurazi akapoteredza apo ari kuzama kutsvaga mari yekuti abuditse dambarefu rake iri rine nziyo shanu.
“Nyaya yemari ndiyo iri kunetsa nekuti handishande, ndingadai ndakabura dambarefu rangu kare ndatova nemakore matatu risati rabuda,” akadaro Feeham. “Ndiri kushaya anondibatsira, mari yandiri kuwana mukuridza kwandiri kuita muguta reMarondera haisi kukwana kuti ndinge ndichienda kunorekodha mhanzi yangu kumastudio akati tsvikiti ane zvese seanoshandiswawo nevaimbi vakuru,” akadaro Feeham. Mari yekurekodha ikangokwana munguva pfupi iri kutevera dambarefu rangu rinenge rave pamhepo.”
Zvakadaro, Feeham akati baba vake havaikwanisa kumubatsira sezvo vasiri kuwirirana pamagariro avo. “Baba vangu havasi kukwanisa kundibatsira nenyaya yekuti hatisi kutaudzana saka ndiri kutotarisira rubatsiro kubva kune vari kufarira nziyo dzangu,” akadaro Feeham. Dambarefu iri — Ndezvedzinza —rine nziyo dzinoti Huya Kumba, Kuona Vobudirira, Kushungurudza Vana, Samatenga naMadarireiko.-Kwayedza
|