Friday, May 24th
Headlines:
‘Handinyorere Jona nziyo’-Chiundura Moyo PDF Print E-mail
Thursday, 28 June 2012 09:11

neMunyori weKwayedza
MUNYORI wemabhuku ane mukurumbira, Aaron Chiundura Moyo,

 

anoti handiye anonyorera munin’ina wake — Jona Moyo — mhanzi yaanoimba nechikwata cheDevera Ngwena Jazz Band asi kuti akangoimba pamusoro pemamwe mabhuku maviri aakanyora.
Mukutaura naChiundura Moyo,  akaramba mashoko anofambiswa nevamwe vanhu ekuti ndiye anonyora mhanzi iyi asi akati Jona akangoimba pamusoro pemabhuku ake maviri anoti Ndabva Zera naWakandicheka Nerakagomara.

“Jona munin’ina wangu saka mushure mekuona kunakidza kwaiita mabhuku angu aya akazoimba pamusoro pawo vanhu vachibva vaita fungidziro yekuti zvimwe ndini ndakamunyorera nziyo dzake, handizvo.
“Ndakanzwa vanhu vazhinji vachifamba vachiti ndini ndiri kumubatsira asi kwete nekuti munhu akatozvimirira ega.
“Ini ndakazvimirira ndega uye hapana kana chimwe chete chaakandibhadhara sezvo ari mwana waamai wangu,” akadaro Chiundura Moyo.
Pari zvino muchinda uyu anoti achange achiparura bhuku rake rechi14 rinonzi Chechi Inoparara.

Bhuku iri riri pamusoro peyambiro yaamai nababa avo vanenge vari varidzi vechechi vanofanirwa kuve mucherechedzo nekuita mabasa akanaka sezvo vakaita zvakaipa zvikazopinda muvanhu zvinoita kuti chechi  iparare.
Chiundura Moyo akatanga kunyora mabhuku mugore ra1974 uye bhuku rake rekutanga rakabuda 1975 iro rinonzi Uchandifungawo.
Mamwe emabhuku aakanyora anosanganisira Ziva Kwawakabva, Nguwo Dzeutswa, Wandibaya Panyama Nhete nerimwe chete rechirungu rinonzi Another Side of River.-Kwayedza

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links