|
Thursday, 28 June 2012 09:13 |
naElsie Mojapelo KUNE mitambo yakawanda inogona kuitwa
inosimbisa muviri kusanganisira kumhanya. Kumhanya kwakanakira zvinhu zvakawanda sekuti: —·Mutambo usingade zvakawanda zvinotora mari. —·Kunosimbisa mabhonzo nenyama dzemuviri. —·Kunosimbisa moyo.
Moyo ndiwo injini yemuviri, unopomba ropa rinotipa hupenyu. Kumhanya kunowedzera kushanda kwawo nekusimba kwawo. Kumhanya kunoderedza kushushikana mupfungwa. Tsvakurudzo inoratidza kuti ukamhanya kwemaminitsi makumi maviri unoburitsa mushinga unonzi “endorphin” unoderedza marwadzo nekuderedza kushushikana. Masoja emuviri anowedzerwa nekumhanya. Kumhanya kunokurudzira kugadzirwa kwemasero emuropa anorwisa urwere.
Huremu hwemuviri hunoderedzwa nekumhanya. Mafuta anoderedzwa nekumhanya uye nekugaiwa kunoitwa chikafu mudumbu kunovedzerwa nekumhanya. Dambudziko rekusadya rinogonawo kupedzwa nekumhanya. Kumhanya kunokonzera muviri wako kuti ude kudya kudzoreredza zvashandiswa nemuviri wako pawamhanya uye nguva zhinji unotoda zvakanyanya kupfuura usati wamhanya. Kumhanya mutambo wekusimbisa muviri unogona kuitwa nevanhu vemazera akasiyana-siyana. Mutambo uyu haudi kudzidzira usati wautanga uye haudi zvishandiswa zvinodhura semimwe mitambo.-Kwayedza
|