| Nhoroondo yegamba renyika Cde Joshua Nkomo |
|
|
|
| Monday, 09 July 2012 08:02 |
|
neMunyori weKwayedza MUSI wa1 Chikunguru, Zimbabwe yakabatana mukurangarira mushakabvu, Cde Joshua Mqabuko Nkomo, avo vaive mutevedzeri wemutungamiriri wenyika. Cde Nkomo vakaberekwa musi wa7 Chikumi 1917 kuSemokwe, Kezi Village chinova chinhambwe chemakiromita makumi matatu kubva kumuganhu weZimbabwe neBotswana kuri zvekare chinhambwe chemakiromita 150 kubva muguta reBulawayo. Baba vavo, VaNyongolo vakaberekwa kuma1880’s uye amai vavo vakazoberekwa makore mashanu akatevera. Cde Nkomo vakadzidza kuTsholotsho Government School uko vakadzidzira mabasa ekuveza. Vakamboita mabasa ekutyairi apo vaityaira bhazi remukoma wavo mushure mekuzodzokera kubasa rekuveza vakasvika mukuvhura chitoro chinoita izvi. Mugore ra1941, vakaenda kuAdams College vave kupamhidzira zvidzidzo zvekuveza izvi vakazobura zvekare dhipuroma reSocial Science kubva kuUniversity of South Africa. Vakaenderera mberi nekudzidza apo vakaita zvidzidzo zveBachelor of Arts Degrees in Social Sciences. Pavakadzoka kumusha mugore ra1947, vakakapinda basa kune kambani yaidaidzwa kunzi Rhodhesian Railways vakazoshanda zvekare sageneral secretary weRailways African Workers Union pakati pemakore anoti 1947 na1951. Musi 1 Gumiguru, 1949 vakaroora mudzimai wavo — Johannah Fuyana “MaFuyana” — vanove vakavaberekera vana vana avo vaisanganisira vakomana vaviri nevasikana vaviri. Vakatanga zvematongerwo enyika apo vakange vachiri kudzidza kuSouth Africa pavakave nhengo yebato reAfrican National Congress of South Africa. Pakavambwazve bato rekare reAfrican National Congress muna 1952, Cde Nkomo vakasarudzwa kuve mutungamiriri waro. Vakazosarudzwa zvakare kuve mutungamiriri webato iri apo rakavandudzwa muna 1957 pakaitwa mubatanidzwa neYouth League mukuumba ANC of Southern Rhodesia. Panguva iyi ndipo pavaikurudzira nyaya yekuti munhu mumwe nemumwe anofanira kuvhota akazvimirira. Pakavambwa bato reNational Democratic Party mugore ra1960 vakasarudzwa kuve mutungamirir waro iro rakazorambidzwa nehurumende yemabhumu kuchizoumbwa reZimbabwe African People’s Union (Zapu). Cde Nkomo vakasungwa kakawanda nekuda kwenyaya dzezvematongerwo enyika vakagara mumajeri anosanginisira kuGonakudzingwa, Buffalo Range pamwe neiro raizivikanwa nekuti Gwelo Prison panguva iyoyo. Pakawana nyika kuzvitonga kuzere mugore ra1980, vakasarudzwa kuve mumiriri wenhengo yedare reparamende wedunhu reMidlands vakave gurukota rekutanga rebazi rezvinoitika mukati menyika. Cde Nkomo, avo vainyanya kuzivikanwa sa‘Big Josh, Umdala wethu, Father Zimbabwe’ vakaita basa guru mukusunungura Zimbabwe kuti vatema vave vanozvitonga pamwe nekuti zvizvarwa zvenyika zvibatane. Vakashaya musi wa1 Chikunguru 1999 pachipatara cheParirenyatwa mushure mekurwara kwenguva refu uye vakavigwa pamarinda anovigwa magamba enyika eNational Heroes’ Acre. |