Saturday, May 25th
Headlines:
Team Zimbabwe yove neyunifomu PDF Print E-mail
Monday, 09 July 2012 08:05

neMunyori weKwayedza
MUTUNGAMIRIRI we­sangano reZimbabwe Olympic Committee, Anna Mguni, anoti sangano ravo richaramba ri­chitsigira vatambi vemitambo yakasiyana-siyana avo vachaenda kunomirira chik­wata cheZimbabwe kumita­mbo yemaOlympics kuLondon mwedzi uri kutevera. Mguni akati pangosara kan­guva kadiki kuti makwikwi eLondon 2012 Olympics atange saka vatambi vemu­tambo yakasiyana vari mukembi parizvino vachi­gadzirira mutambo uyu.
Akati sangano ravo riri kumhanya-mhanya kutsvagira vatambi vavo mayunifomu ekunoshandisa. Sangano ravo, akadaro Mguni, rinoda kuti panoenda chikwata chavo kumakwikwi aya pasave nechinhu chinog­ona kuvakanganisa nekudaro vari kuedza nepavanogona kuti zvese zvinodiwa kuti vak­wanise kuenda zvivepo. Panguva ino tiri kumhanya-mhanya kuti chik­wata chedu chive chinoenda kuLondon 2012 chine zvinhu zvakakwana panyaya dzezvipfeko uye mayunifomu avachanoshandisa vave ikoko.
“Izvozvi vatambi vese vari mumakembi akasiyana vachi­gadzirira kuenda kumakwikwi aya saka muzvinhu zvese tin­gati tiri kufambidzana nen­guva nekuti pangosara kan­guva kadiki kuti maOlympics achitange, chinhu chikuru ndechekuti tawanira vatambi vachamirira chikwata cheZimbabwe zvese zvavan­oda zvekunoshandisa kuLondon,” akadaro.
Akati anovimba kuti chik­wata chavo chichanokunda kumaOlympics uye chichanohwina menduru dza­kawanda.
Zvakadaro, Mguni akati kuenda kumakwikwi aya kwakaoma nekudaro vatambi vese vaifanirwa kusunga dzisimbe.
“Kuenda kumaOlympics kwakaoma nekuti uno­tokushandira kuti uendeko saka kana vatambi vedu vatok­wanisa kuwana mukana wekuti vaende kumakwikwi aya zvinoreva kuti vachano­tamba nesimba kuti vaunze menduru dzakawanda.
“Chikwata chedu tiri ku­chiona chichunza menduru dzakawanda nekuti maonero edu ndeekuti chakasimba zvikuru,” akadaro Mguni.

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links