| Mutambo weSoftball wakakosha |
|
|
|
| Monday, 09 July 2012 08:12 |
|
neMunyori weKwayedza SANGANO reZimbabwe Softball Association, Gweru Provincial Technical Commission rakaita mitambo yekupemberera zuva reInternational Softball Federation Commemoration pachikoro cheMatinunura, svondo rapfuura. Makwikwi aya akapindwa nezvikwata zvemadzimai nevarume kubva kumapurovhinzi eHarare, Mutare neGweru. Kuchikamu chevarume, chikwata cheGriffins Softball Club chekuHarare ndicho chakakunda mushure mekurakasha cheGweru All Stars 12-6 ndokuzotonhodzazve Mutare All Stars 25-10. Kumadzimai, Gweru All Stars ndiyo yakave shasha mushure mekukunda chikwata cheThe Griffins Club 4-2. Zvichakadaro, mitambo yeligi iyo yakambomiswa muna 2008 zvichitevera kuputswa kwesangano raitungamirira mubatanidzwa wemitambo miviri yeBaseball neSoftball iro raideedzwa kuti Zimbabwe Baseball and Softaball Association iri kutarisirwa kutanga munguva pfupi iri kutevera. “Tava kutarisira kutanga ligi yedu yeSoftball munguva pfupi iri kuuya,” akadaro ZSA Technical Director, Mubuso Matanga. Zvisinei, Matanga akati Zimbabwe haisi kuzokwikwidza kumitambo yeSoftball Masters Championship iyo yavakakokwa nesangano reSouth Africa Softball Masters Association nekuda kwekuti hapana vatambi vanokodzera kupinda mumitambo iyi varipo parizvino. “Hatisi kukwanisa kunokwikwidza mumitambo iri kuitirwa kuBotswana iyi nekuti hatina vatambi vanokodzera. “Tiri kutumira vamwe vatambi vachaenda kundoonawo kuti zvinofambiswa sei mumakwikwi aya kuitira kugadzirira ramangwana kana tazova nevatambi vakadai,” akadaro. Mitambo yemaMasters inotambwa nevatambi vane makore okuberekwa anotangira pa35 zvichikwira. |