Wednesday, Jun 19th
Headlines:
Makwikwi eDetemba Tinzwe . . . Vana vakadyora mibayiro PDF Print E-mail
Monday, 09 July 2012 08:13

naKnowledge Manokoro
VECHIDIKI vapindwa nep­fungwa dzekuona mutauro waamai seusina kukosha uye usina chaunovapa mune ra­mangwana ravo izvo zvave kuvapa kuti vatarisire mi­tauro yemuZimbabwe yakaita sechiShona pasi vachibatira Chirungu pamusoro.
Izvi zvave kuita kuti vana varasike patsika dzechivanhu uye kana zvikasagadziriswa, mimwe mitauro yemuno ichatsakatika.
Mashoko aya akataurwa neMupepeti weKwayedza, Patrick Shamba pamabiko akaitirwa vana vakabva muzvikoro zvakasiyana-siyana pazuva rekupa mibayiro ku­vana 18 vakany­ora nhetembo mumak­wikwi eKwayedza Detembai Tinzwe, muHarare svondo rapera.
Detembai tinzwe mak­wikwi akananga kusimudzira vana nyanduri kubva muvana vechikoro uye anopindwa nevadzidzi vose kubva kupu­raimari kusvika kusekondari.
“Chinangwa chedu ndechekusimudzira mutauro waamai. Hatifaniri kutarisira pasi mutauro wedu — tsika dzenyu dzingarasika. Kana mimwe mitauro yemuno in­gagumisira yatsakatika kana tikada kubatira Chirungu pa­musoro sez­vatava kuona mazuva ano.
“Vamwe vanongofunga kuti zvikada mutauro waamai hauna chaunovabatsira nacho mune ramang­wana, kwete — mabasa ariko kunze uko. Ko inga isu tiri kungoshanda wani.
Vakakurudzira vana ve­muzvikoro vane zvinyorwa zvavo kuti vazviunze kuKwayedza zvigobuda kuitira kuti zvizivikanwe nenyika yose.
“Kwayedza ine chikamu cheDenhe Reruzivo icho chakanangana nekubat­sira vana kudzidza. Kune nhetembo dzinonyorwa nemi vana nezvimwe

 

Polls

ZVINE BASA HERE JAYA KUROORA MUSIKANA ASIRI MHANDARA?
 

Documentary

Social Networking Links