| Charamba naShumba vakaita zvinorova |
|
|
|
| Monday, 09 July 2012 08:17 |
|
neMunyori weKwayedza VAIMBI venziyo dzechitendero vane mukurumbira, Pastor Charles Charamba naBlessing Shumba, vakaita shoo yakafadza vanhu vazhinji kuChitungwiza svondo rapera iyo yakavasiya vachiine nzara yemimhanzi yavo. Shumba ndiye akatanga kudziisa siteji apo akaimba mhanzi yakaita mukurumbira yakaita sanaNzira Yashe nedzimwe dzakamupa mubairo. Paakabva pasiteji vanhu vakasara vachine nyota vachishevedzera kuti dai akaramba aripo. Izvi zvakataridza kuti mhanzi yaShumba inobata vanhu vazhinji sezvo vamwe vakasvika pakuchema chaiko kuburikidza nekunakirwa nayo. Pastor Charamba pavakazopinda pasiteji vanhu vakanga vatova mugiya dzvuku uye vakaridza nziyo dzavo dzakaita mukurumbira makore achangodarika dzinosanganisira dzinoti Buruka, Mhinduro, Tinashe Akatendeka, Mukondombera. Pastor Charamba vakaratidza kuti kunyangwe zvazvo vari muimbi akabvira kare asi chiramba kusakara sezvo maimbiro avo airatidza kuti vachiri kuramba vachikura vasingapere sesipo sezvinoita vamwe vaimbi vanongoita mukurumbira kwenguva pfupi-pfupi. Mukutaura navo vakati zvinhu zvinovafadza kuona vanhu vachirumbidza mhanzi yavo uye kuuya vari mavhu nemarara kumashoo avo izvo zvinoratidza kuti simba raMwari riri kushanda mavari. Zvakadaro, Shumba akati kuimba nziyo dzechitendero yaive imwe nzira yekuparidza shoko raMwari. Akati aifara zvikuru kuita shoo naPastor Charamba avo vaakati vari kumutaridza gwara rakajeka munyaya dzekuparidza humambo hwekudenga. |