Thursday, Jun 20th
Headlines:
Bosso neCaps zvatosvorana PDF Print E-mail
Monday, 09 July 2012 08:20

naAbel Ndooka
SVONDO rino chikwata cheCAPS United chichananga kumazivandadzoka kuBulawayo uko chiri kunosangana neHighlanders ‘Bosso’ iyo iri kutungamira ligi yeCastle Lager Premier League kunhandare yeBabourfields.
Chikwata cheCAPS United, icho chi­nozivikanwa seKepe-kepe kana kuti Shaisa Mufaro, change chisiri kutamba zvinonwisa mvura mwaka uno nekudaro mumutambo uyu chine tariro huru yekuhwina nekutsamiswa Bossolona nekuti chikwata chavo chakasim­biswa nekutenga kwavakaita mutambi ane mukurumbira, Shingi Kawondera.  Murairidzi weCAPS United, Sean Connor, svondo rino akati chikwata chake chichange chine basa guru iro rakatanga pakati pesvondo apo vaisangana nechikwata cheBlack Mambas.  Akati kutenga kwavakaita Kawondera kwakasimbisa chikwata chake uye anotarisira kuti mitambo yavo iri kutevera ichange yakareruka nekuti Kawondera mutambi anog­ona ane makore achitamba nhabvu.  Asi kuuya kwaKawondera hakureve kuti Bossolona ichangopa zvibodzwa kuCAPS United nekuti ichange ichitodyawo marasha, sekutaura kwe­murairidzi weHighlanders – Kelvin Kaindu – kuti vakagadzirira kusangana nezvikwata zvese zvemunyika mumitambo yavo mwaka uno mushure mekupedza makore akawanda vachiomberera zvimwe zvikwata zvaisimudza ligi.Asi maziso ese achange ari pana Kawondera uyo achatamba mutambo wake wechipiri svondo rino ari mutambi weKepe-kepe.
Mune mimwe mitambo iriko svondo rino, Dynamos ‘DeMbare’ iyo yakaita mangange svondo rapfuura nechikwata cheInterclube chekuAngola, iri kusangana neBlue Rangers panhandare yeRufaro mushure mukunge yashanyira chikwata cheQuelation kumusha kwayo kuLuveve.

 

Polls

ZVINE BASA HERE JAYA KUROORA MUSIKANA ASIRI MHANDARA?
 

Documentary

Social Networking Links