| Kuenderera mberi nekurima gorosi |
|
|
|
| Monday, 09 July 2012 08:09 |
|
naIvan Craig MASVONDO matatu apfuura ndakanyora pamusoro pekudyara gorosi kusvika pakumera kwaro. Nekudaro svondo rino ndiri kuda kuti ndibate-bate kubva pakumera kwegorosi kusvika pakuibva. Gorosi kana richinge ramera, rinofanirwa kunyimwa mvura kwemasvondo matatu kana mana, izvi zvinobatsira kuti ridzikise midzi kuenda pasi-pasi. Zvinobatsira zvakare kuti gorosi risimbe kurarama muzuva uyezve nekuti rigoita masakatire. Masvondo matatu kana mana achingosvika, panguva iyi ndipo panokushwa fetereza yepamusoro sekunyora kwatakaita muchinyorwa chekutanga. Iyi inguva yatinopfapfaidza mushonga wesora, tinogona kushandisa mishonga inoti MCPA neBanvele yakasanganiswa pamwe chete. Kana tapedza kuita mabasa maviri aya ndipo panotangwa kuenderera mberi nekudiridzira uye ndiyo nguva zvakare yatinoongorora zvirwere netupembenene mugorosi. Gorosi rinoda mvura yakakwana nekuti ikaita shoma rinotipa goho rakadzikira uye nemhando yacho inenge isina kunaka, zvimwechetezvo nemvura ikawandisa. Gorosi rinoda mvura iri pakati pe350 ne600mm kusvika pakuibva kwaro. Kana rakarimwa mujecha, rinodiridzirwa mvura panzvimbo imwe chete kwemaawa mapfumbamwe mozodzokorora zvakare panzvimbo iyoyo kwapera mazuva mapfumbamwe zvakare (irrigation cycle). Gorosi riri muvhu rakasimba rinoda mvura inodiridzwa (over- head irrigation) kwemaawa 12 tozodzokorora pachizvimbo chimwechetecho kwapera mazuva 14. Rinoda kuramba richidiridzwa kusvika parinotanga kusanduka ruvara kuita kunge rava kuoma kana kuti ruvara rwegoridhe. Chero rasvika apa rinoda kuramba richidiridzirwa kusvika rasimba. Panguva iyi, gorosi rinenge rava kudyiwa neshiri nekudaro dzinofanirwa kudzingwa kuitira kuti musarasikirwa negoho. Gorosi haridi kusiiwa mumunda richinaiwa nemvura kana richinge raibva nokuti runako rwacho runodzikira kana kutoshaiwa basa zvachose. Tinofanira kugadzira nzira dzekudzivirira moto kuitira kuti tisarasikirwe negoho kuburikidza nemoto wesango. Tisakanganwa kuti ino ndiyo nguva yekurima kwemuchando nekutanga kugadzirira mwaka uri kutevera. |