Wednesday, Jun 19th
Headlines:
Vamwene vakakinditsa muroora PDF Print E-mail
Monday, 09 July 2012 09:24

naMuchaneta Chimuka
VAMWE vamwene vemumusha weChitungwiza vanonzi vakabatsirana nevanakomana vavo, mumwe wacho anove muridzi wemukadzi, mukuzvindikita muroora wavo.
Vatatu ava vanove vagari vekuChitehwe Village, Seke vanoti Clement Machipisa Taundi (36), murume wemumhan’ari, munin’ina wake Crispen Taundi (30) naamai vavo, Perpetua Mumanyi (68) vakadhonzerwa pamberi pedare reko nemhosva yekurova.
Mutongi Olivia Mariga akavapa bhera repachena akati vadzoke kudare zvakare.
Muchuchisi Tendai Mukariri akaudza dare kuti nomusi wa22 Kubvumbi gore rino munguva dzemanheru mumhan’ari, Marah Sibanda (30), akasangana naClement apo akange achienda kuchiteshi cheChirasavana achibva amubvunza nezvechaja yake yenharembozha iyo yaaigaro bvunza nezvayo kwenguva refu.
Clement anonzi haana kufadzwa nazvo pachibva pamuka kusawirirana.
Sibanda paakazoenda kumba akasvikowana vasungwa vatatu ava vakamumirira kumba kwake.
Clement anonzi ndiye akatanga kumudzipa pahuro apo vamwene vake vakamubata mawoko vachibatsirana naCrispen kumurova mbama kumeso izvo zvakaita kuti kuzvimbe.
Vanonzi vakazopinda mumba make ndokupwanya midziyo yaikosha US$400 yaivemo pamwe nekuipisa.

 

Polls

ZVINE BASA HERE JAYA KUROORA MUSIKANA ASIRI MHANDARA?
 

Documentary

Social Networking Links