Monday, May 27th
Headlines:
‘Wangu mwana haumurambe’ PDF Print E-mail
Friday, 13 July 2012 07:37

naDaphne Machiri

TEZVARA akadhonzera mukuwasha kudare achida kuti amubhadhare mombe shanunemari zvichitevera kuramba kwaakaita mwana wavo.
Gilbert Katambarare akazvuvira Petros Katiyo kudare reHarare Civil Court achiti anoda mubhadharo uyu kubva kuna Katiyo nemukadzi wake mutsva.

“Katiyo ndinoda kuti iwe nemukadzi wako mutsva undibhadhare nekuti wakaitisa mwana wangu vana ukauya kuzongomusiya kumusha kwangu,” akadaro Katambarare.
“Wakaita chipfambi mumba memwana wangu, kutonotora hako mumwe mukadzi wouya wosiya wangu kumusha asi unoti wangu ndiye asingadewo zvemurume? Wakaratidza kundishora sababa.
“Ini wangu ndinomutsvagira mumwe murume nekuti achiri kutemwa dzinobva ropa, handimborega kumuroodza asi ndinoda kuti andibhadhare. Ndinoda muripo wemombe shanu nemari.”
Katiyo haana kuwirirana nezvaitaurwa naKatambarare achiti akange aona kuti mwana wavo haana kukodzera kuramba ainaye mumba.

“Ndinotoshaya chandakabvisira mari yangu ndichiti ndiri kuroora, hapana kana zvemukadzi ndokusaka ndakatsvaga mumwe ari nani,” akadaro Katiyo.
“Ndakauya ndikakusiirai mwana wenyu, ndikamupa gupuro mukaritambira. Saka chamunoti munoda mombe nemari yekuripwa chii? Kutadza kwemwana wenyu, handiwirirane nezvamunotaura.”
Akaenderera mberi achiti haachada mwana waKatambarare.
“Muroodzeika sezvo mati achiri kutemwa dzinobva ropa ini ndakamurambira kuti haana kukodzera kuva ari mumba nekuti aiva nehuchapa, asingadi kugeza, saka ndakazotsvaga mukadzi chaiye wandava naye,” akadaro Katiyo.
Mutongi Tendai Rusinahama akati vaviri ava ngavagare murunyararo uye kana vachiripana zvoitwa negwara pachivanhu pasina anoshungurudza mumwe nenzira ipi zvayo. -Kwayedza

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links