Wednesday, Jun 19th
Headlines:
Kireni Zulu onanga kuUnited Kingdom PDF Print E-mail
Friday, 13 July 2012 07:48

neMunyori weKwayedza
MUIMBI anowanzoimba ari ega uye dzimwe nguva

achisanganisa  nenyn’ambo, Kireni Zulu, onanga kuUnited Kingdom uko anoti anoda kunoita mashoo kanova kekutanga muupenyu hwake kuenda kune dzimwe nyika kubva zvaakatanga kuimba.
Mukutaura naKireni akati pari zvino hurongwa hwese hwakapera sezvo mamwe magwaro emapepa akatopedza kuagadzirisa kare.

“Ndine vanhu vanofarira mhanzi yangu vari kunze kwenyika saka ndivo vakaita chikumbiro chekuti ndiende kunovaitira mashoo zvinova zvinhu zvakandifadza zvikuru saka zuva rekusimuka handisati ndaronga asi mwedzi uno ndinofanirwa kuenda.
“Ndichaenda nemusikana mumwe chete nemukomana nekuti handingaende nechikwata chese sezvo kari kekutanga kangu kuenda kunyika iyi asi nekufamba kwenguva ndichaita kuti ndizoenda nechikwata changu chese,” akadaro Kireni.

Muimbi uyu akaenderera mberi achiti izvi zvakamupa manyawi zvekukokwa kwaakaitwa kuUK.
Mune imwewo nyaya,  Kireni anoti akadzokerana nechikwata chake chevasikana veMarabhi Queens icho chaanoti akanga arumura asi zvinhu hazvina kuzovafambira zvakanaka sezvo upenyu hwakange hwavaomera
“Ndainge ndarumura vasikana ava asi ndakazoona mumashure kuti vakanga vave kukundikana kunyangwe mashoo avaiita akanga asingapinde vanhu uye vamwe vacho vakanga vave kuita chipfambi kusvika ndavati chidzokai tishande pamwe chete,” akadaro Kireni.
Kireni akati gore rino anotarisira kutsikisa rimwe dambarefu.-Kwayedza

 

Polls

ZVINE BASA HERE JAYA KUROORA MUSIKANA ASIRI MHANDARA?
 

Documentary

Social Networking Links