Wednesday, Jun 19th
Headlines:
Firimu raTaku Mafika ronyorwa PDF Print E-mail
Friday, 13 July 2012 07:49

neMunyori weKwayedza
FIRIMU reupenyu hwemushakabvu Taku Mafika

 

uyo akashaya gore rapfuura mushure mekurwara kwekanguva kadiki riri kunyorwa nevanin’ina vake avo vanoimba nechikwata cheMobb-Figgaz.
Mukutaura naTakunda-Carlos pamwe naTatenda Mafika svondo rino vakati mukoma wavo — Taku — akashaika apo mbiri yake yange yave kusimuka zvekuti akakwanisa kushanda nevaimbi vane mukurumbira munyika ino pamwe nevekunze pamwe nekunodzidzisa kuridza mbira kunyika dzakaita seGermany.

Takunda-Carlos akati Taku akaita zvisina kuitwa nevaimbi vazhinji vemunyika ino uye mhanzi yake yainge yakakurumbira zvikuru kune dzimwe nyika.
Akati firimu ravari kunyora raTaku richange richitaura pamusoro pehupenyu hwaairarama kubvira achiri murairidzi kuchikoro cheRoosevelt achizosiya kuzosvika ave muimbi.
“Taku akakwanisa kuita zvinhu zvakawanda zvisina kukwanisa kuitwa nevaimbi vazhinji muhupenyu hwake.
“Akazokurumidza kutorwa zvake nedenga ari pakati pekuita mabasa akawanda chaizvo. Mamwe mabasa acho tichamupedzisira asi chinhu chikuru ndechekuti tiri kuda kubika firimu rinotaura pamusoro pehupenyu hwake.

“Saka takaronga kuti tibike firimu iri tirangarire mukoma wedu kuti mbiri yake irambe ichikurumbira munyika ino uye nepasi rese,” akadaro Takunda-Carlos.
Taku paakashaya ainge akakwanisa kutsikisa dambarefu rimwe chete rainzi ‘Dzimwe Nguva’ iro rakaita mukurumbira nekambo kanoti ‘Chikuru rudo’ uye aive pakati pekubika dambarefu rake rechipiri iro riri kupedziswa nechikwata chake cheTrue-Bantu chichibatsirwa  necheMobb-Figgaz. Dambarefu rake rekutanga rakanetsa zvikuru zvekuti Taku akasvika pakushevedzwa kunyika dzinoti Germany neRussia kuti anoridza ikoko. Pafirimu rake riri kubikwa iri, pachave nemavhidhiyo emamwe mashoo ekuridza kwaakaita apo aive kunyika dzekunze.
“Tinoda kuti vanhu vaone basa raiitwa naTaku achisimudzira mureza wenyika kune dzimwe nyika,” akadaro Takunda-Carlos.-Kwayedza

 

Polls

ZVINE BASA HERE JAYA KUROORA MUSIKANA ASIRI MHANDARA?
 

Documentary

Social Networking Links