| Boka revarimi rotsvaga rubatsiro |
|
|
|
| Friday, 13 July 2012 07:51 |
|
neMunyori weKwayedza RIMWE boka remadzimai reZimbabwe Indigenous Women Farmer s Association Trust rosimudzira mabasa evanhukadzi ekurima, zvikuru avo vakagariswa patsva nehurumende. Mutungamiriri weboka iri, Mai Depinah Nkomo vakati chinangwa chavo ndechekuona kuti madzimai awaniswa zvekushandisa zvakakwana munyaya dzekurima zvakadai sembeu, michina yekurimisa nezvimwe nedonzvo rekuti vasaomerwe. Vakati rimwe dambudziko guru riri kubata madzimai munyaya dzekurima kukundikana kwavo kuwana zvikwereti kubva kumabhanga nekuda kwezvibatiso zvinodiwa izvo zvakaita sedzimba. |