|
ZFU yovandudza mashandiro |
|
|
|
|
Friday, 13 July 2012 07:51 |
neMunyori weKwayedza SANGANO rinomirira varimi reZimbabwe Farmers Union
rovandudza mashandiro aro senzira yekusimudzira mabasa ekurima kuvarimi vanodarika 5 000. ZFU executive director, VaPaul Zakariya, vakati vari kuvandudza mashandiro avo ose. “ZFU iri kushanda zvakasimba senzira yekusimudzira mabasa ekurima kuvarimi vadiki vekumaruwa nevarimi vakagariswa patsva nehurumende vanobatanidza vemaA1 nemaA2, tine makomiti atakaumba kunzvimbo dzose ari kutungamirira zvose zvatinoda kuita,” vakadaro.
Vakati vane nyanzvi dzesangano ravo dziri kugara nevarimi vachishanda pamwe chete nevarimisi, vemabhanga, nemapazi ehurumende anoona nezvekurima vachigadzirisa zvinodiwa segadziriro yemwaka wekurima unotevera. “Hapana patiri kusiya, pane varimi vanoda zvikwereti tiri kubatsirana navo tichishanda nevemabhanga nemasangano anopa zvikwereti. Tinotarisira kuti varimi vose vatiri kushanda navo patinosvika pakudonha kwemvura vanenge vawana zvavanoda,” vakadaro VaZakariya.
Vakakurudzirawo varimi kuti vashande nemasangano evarimi nevarimisi kuti vakwanise kuwana mashoko ezvinodiwa nenguva. “Kuburikidza nevandudzo yatiri kuita iyi seZFU, tinotarisira kuti mwaka wekurima wa2012/2013 uchabudirira zvikuru izvo zvichaita kuti nyika igoguta nevarimiwo vachiwana pundutso kudarika kare. “Izvozvi tiri mubishi kuti varimi vawaniswe mbeu, fetereza nezvimwe zvinodiwa nenguva mvura isati yaturuka,” vakadaro VaZakariya. -Kwayedza
|