Thursday, May 23rd
Headlines:
Mujeri upenyu hwose PDF Print E-mail
Friday, 13 July 2012 07:53

naShein Kanyumwa

MUNHU akapara mhosva yakaita seyekupondaobva atongerwa kugara mujeri kweupenyu hwake hwose chii chinotanga kuuya mupfungwa dzake pazuva raanokandwa mutirongo?
Anove netariro muupenyu here kana kuti anofunga kuti kufa kuri nani?
Pamusoro pezvo, anogara mujeri achidya refovhoro kwemakore anodarika 20 pasina kana hama inoenda kunomuona.
Ipapo vamwe vasungwa vanenge vachipika pamwe chete newe hama dzavo dzinenge dzichiuya nguva nenguva kuzovaona — anonzwa sei nemamiriro ezvinhu akadai?
Uhwu ndihwo upenyu hwakatarisana naItai Soza (42), murume akatongerwa kugara mujeri kweupenyu hwake hwose mushure mekubatwa nemhosva yekuponda munhu.
Pari zvino atopika makore anosvika  22 ari kuHarare Central Prison uye mhosva iyi akaipara muna1990.

Soza anoti kunyangwe zvake akatongerwa kugara mujeri kweupenyu hwose, haasi kurasa tarisiro yekuti rimwe ramazuva anogona kunge achizobudamo – ogarawo kunze akasasana sevamwe.
Anoti ane tariro yekuti anogona kuzoburitswawo nekuti kune vamwe vaive nemitongo yakafanana newake avo vakazoburitswa mujeri nekuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana izvo zvinosanganisira kuregererwa nemutungamiriri wenyika kuburikidza nePresidential Amnesty.
Pasi pechirongwa chePresidential Amnesty, vasungwa vari mumajeri avo vanenge vachipika vanokwanisa kuregererwa zvichiendarana nemhosva dzavakapara, nguva yavagara mujeri pamwe nehunhu hwavanotaridza vari muchizarira hunosanganisira kuti vave vanhu kwavo here.
“Kubva zvandakatongerwa kugara mujeri kweupenyu hwese zvakandinetsa kuzvitambira asi ndakangoti ndiwo mubairo wacho.
“Chinhu chakazondishingisa kuno ndechekuti kune vamwe vanhu vakanga vakatemerwa chirango sechangu, vainge vakatongwa kubva kumakore ekuma1970 asi vakabuda zvichienderana nemagariro avo saka ndizvo zvinondishingisa izvozvo.

“Saka ndinotarisira kuti rimwe gore ndichabuda muno asi chinondinetsa ndechekuti kubvira zvandakauya muno hapana kana hama yangu imwe chete yakazombobvira yandishanyira uye nguva zhinji kunamata ndiko kunondinyaradza. Vamwe vanomboshanyirwa sezvakaita senguva yeKisimusi asi ini handina anondishanyira,” akakadaro.
Asi chii chakamboitika kuti murume uyu, uyo aive chikomana chichangobva zera paakapinda mujeri, atongerwe kudya refovhoro kweupenyu hwose?
“Ndainge ndine makore 20 saka ini nemumwe mukoma wangu, uyo wandakatongwa pamwe chete naye ndokuzoshaya ari muno mujeri, takaenda kumba kwemumwe murungu muHarare uyo ainge aitirwa basa nemukoma wangu tichida mari yemubhadharo.
“Vakatadza kuwirirana kusvika akazotorerwa mimwe midziyo yake yemumba. Apo patakange tave kuda kubuda kubva mumba memurungu uyu, mukoma wangu akaona pfuti yaivemo ndokuti murungu uyu aifanira kusungirirwa sezvo aigona kuzotora pfuti iyi akatirwisa.

“Murungu uyu akabva asungirirwa makumbo nemawoko pacheya pamwe nekusungwa muromo nechinangwa chekuti asazoshevedzera achitsvaga rubatsiro kune vamwe. Anonzi akazofa nekuda kwekupfumbirwa sezvo akange akasungwa muromo asi ini pose paaisungirirwa hapana chandakaita sezvo ndaive ndakangomira chete,” akadaro Soza.
Soza haana kuda kupa zita remukoma wake uyo waakati akashaika ari mujeri achiti mudzimai pamwe chete nevana vemukoma uyu vaifunga kuti ndiye akanga amufurira kuti vapare mhosva iyi.
“Handikwanisi kutaura zita remukoma wangu uyu nekuti izvi zvingamutse zvakawanda sezvo mhuri yake inofunga kuti ndini ndakaita kuti apare mhosva iyi,” akadaro Soza.
Semunhu ane tariro yekuzobudawo mujeri, Soza anoti ari kushandisa imwe nguva yake ari muchizarira kuvandudza dzidzo yake. Anoti paakatanga kupika jeri akange akadzidza kusvika Grade 7 chete asi akakwanisa kuwedzera dzidzo yake arimo akanyora Form 2, O-Level neA-Level izvo zvose akabudirira. Pari zvino ave kuita zvidzidzo zveDiploma in Business Management.
Anoti mamwe matambudziko aari kusangana nawo pakudzidza ndeekushaya mari yekuti anyore bvunzo dzezvidzidzo zvake.
“Dzimwe nguva ndinogona kushaya mari yekuti ndinyore bvunzo zvekuti dai hama dzangu dzaindishanyira dzichindibatsirawo nemari iyi pamwe dai ndava padanho repamusoro,” akadaro.
Chimwe chinomunetsa ndechekuti kana akaburitswa mujeri haana kwekuenda sezvo zvinotaridza kuti hapana hama ingade kugara naye uye izvi zvinoonekwa nekusamushanyira kwavari kuita.

“Baba vangu vakafa ndiri muno mujeri, kumusha hapana chandinoziva nezvako saka iye zvino kana ndikabuda handina kwekuenda ndichatokumbira kune iyo Hurumende kuti indiwanisewo pekugara,” akadaro.
Akati apfidza mabasa akaipa nekuda kweupenyu hwaari kugara mujeri uye achinge awaniswa mukana wekuregererwa nekuburitswa achazove munhu ane mucherechedzo wakanaka pamwe nekudzidzisa vamwe kuipa kwakaita kupara mhosva.
“Chinhu  chandi-noda kuyambira vari kunze uko ndechekuti ino haisi nzvimbo yekugara, kushandisa mawoko chinhu chakanaka kwete kuba nekuponda vamwe vanhu.
“Tarisai ini hapana chandakabura nekuti ndave kuchemberera mujeri,” akadaro Soza.-Kwayedza

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links