Friday, May 24th
Headlines:
Akazoroora chitunha PDF Print E-mail
Friday, 13 July 2012 08:01

neMunyori weKwayedza
TSIKA yekuti kana murume atizisa mukadzi obva ati “NYA”

 

pasina kuendesa tsvakirai kuno kana roora kumadzitezvara yagara inokoka mutauro. Pakutanga zvinenge zvakanaka asi nhamo inozouya panorwara kana kufa mukadzi iyeye — mukuwasha anochiona nemadzitezvara.
Ndokusaka vakuru vakagara vazvironga kuti kana murume atora mwana wevaridzi, zvakakosha kuti abvise roora kana tsvakirai kuno. Izvi zvinoitirwa kuti mhuri mbiri idzi dzifambidzane, kana pakazowana chinouya mune ramangwana panenge pasina kunongedzana nekupomerana.
Nguva pfupi yadarika, kuMhondoro kune mhuri mbiri dzakatadza kuwirirana “chitunha chiri apo” — madzitezvara vachida kuti mukuwasha ainge akangoita zvekutizisa mwana wavo atange abvisa pfuma kuti mufi azovigwa.
Vagari vemubhuku rekwaKashiri vakangosara vagumbata mawoko apo mhuri yekumukuwasha neye kwatezvara vakanetsana chitunha chemukadzi ainge afa chiri mumota sezvo mukuwasha achinzi ainge asina kana chaakabvisa seroora — kana tsvakirai kuno zvayo.
Ainge afa asina kudyirwa pfuma uyu ndiPhillipa Matsvaire (22) uyo anonzi akanga akatiziswa naBanabas Nyabasa kwemakore matatu pasina kana kobiri rakabviswa.

Baba vemushakabvu, Narciso Nobol Matsvaire (63) vakatsinhira nezvenyaya iyi vakati izvi vakazviita nekuda kwekurwadziwa nemabatirwo aitwa mwanasikana wavo apo airwara ari kumurume wake uku.
“Dzinenge dzisi shungu dzedu kuti tiomesarane asi chinhu chakakonzeresa izvi ndechekuti makore matatu akagara mwana  mumusha maNyabasa hapana kana tsvakirai kuno yakambouya, vakazounza mushure mekunge vaona kuti mwana ava kurwara. Pasina masvondo maviri mwana uyu akabva afa.
“Asi nguva yese vakanga vasingataure nesu kuti ndiwo mamiriro akaita zvinhu. Pavakazoona kuti mwana wedu ava kurwara vakazotuma munhu kune mumwe muzukuru wedu nemari yetsvakirai kuno akatovabvunza kuti ‘zvamauya nemari iyi kwakanaka here’ ivo ndokuti hapana chakaipa.
“Asi pasina mazuva, nhume yakazouya ichitaura nezvehurwere hwemwana, isu hatina kuendako kusvikira tazonzwa kuti mwana ashaya,” vakadaro VaNarciso Matsvaire.
Vakaenderera mberi vachiti mushure mekuzotumirwa shoko rezverufu rwemwana wavo vakazoenda kuvakuwasha ndokubata mawoko.
Asi pakazosvika chitunha pamusha apa vanoti havana kudzikisa bhokisi remufi kubva mumota vachida kutanga vabvumirana panyaya yeroora.

Makakatanwa akamboitika dakara mhuri mbiri idzi dzazowirirana, madzitezvara ndokupihwa imwe yepfuma yaisanganisira mombe imwe chete nengoro.
Paiitika zvose izvi, zvinonzi chitunha chainge chotoipa zvekusvika pakukanda. Asi pakangozobviswa pfuma bedzi, mhuri idzi ndokuwirirana kuti basa rekuchiviga mufi rifambire mberi, kukanda kwainge kwoita chitunha kunonzi kwakabva kwapera.
Amai vaPhillipa, Mai Marthar Mhlanga (49) vanoti kubva pakatiziswa mwana wavo, mabatirwo aanga achiitwa — kunyanya achirwara — ndiwo akaita kuti pazoita kakusawirirana “nokuti taida roora redu chitunha chisati chadzikiswa muguva”.
“Kufunga kuti pavakatizisa mwana makore matatu adarika havana kana kumbobvira vatumira kana kobiri zvaro, vozoda kutumira mari vaona kuti mwana wangu ava kurwara. Zvinhu zvisina kundifadza izvozvo.
“Mubvana wangu paairwara havana kana kumbobvira vatumira shoko, kufunga kuti mwana akatanga kurwara gore rapera vachigara vakamuvharira kuseri kwegonhi mumba kusvika tazonzwa nevamwe vanhu kuti mwana haasi kugona kana kufamba, ari kugara akarara,” vakadaro amai vemushakabvu.
Muridzi wemukadzi wekufa ainge akaronga kutamba vatori venhau yakapenga. Banabas akaramba kutaurwa naye akati izvi zvaizokonzeresa kuti vapedzesere vaita hondo.
Pasina chinguva, ainge apunza guyo redombo raive pamba apa ndokupakatira mabwe ayo aaida kurova nawo vatori venhau — vaisanganisira mutori wemifananidzo uyo akazvitakura — achibatsirwa nehanzvadzi yake.
Asi tezvara vemushakabvu, VaRegis Nyabasa vakabvuma nyaya iyi vakati kushaya ndiko kwaivatadzisa kuendesa pfuma yemuroora wavo.

“Chokwadi zvinhu zvakaitika asi kuti ingori nyaya yekushaya, tingadai takaendesa mari yavo yeroora kare.
“Zviri zvekugerwa musoro, chokwadi mushakabvu akagerwa asi izvi amai ndivo vanotoziva kwavakaendesa vhunzi racho naZodwa,” vakadaro tezvara ava apo vainzi vasone muromo naZodwa.
Mai Miriam Chiwaya vanova maiguru vemushakabvu vakatsinhira nezvegakava rakavepo iri vachiti izvi vakazviita senzira yekuda kuranga mhuri yekwaNyabasa nekuda kwemabatiro avaiita mwana wavo.
“Ndakaenda ndichinoona mwana apo airwara ndikaona akavharidzirwa kuseri kwegonhi, apera zvekupera zviya. Paaida kuti andiratidze zvaainge aita, amai vemurume wake vaibva vazama kumuvharidzira kuti tisaone zvakawanda.

“Mwana uyu akatitaurira kuti akanga agerwa musoro asi vhunzi racho haana kuriona, vakaritora vakarishandisa zvatinofunga kuti zvine chekuita nemishonga,” vakadaro.
“Ndinoziva vanhu tinoshaya asi ngatiregedze kubatana zvisina kunaka sezvaiita amukurungai vangu kubata mwana wedu zvisina kunaka,” vakadaro Mai Chiwaya.
VaJonathan Matsvaire (48) vanova sekuru vemushakabvu vakatsinhira pamusoro pemabatirwo akaipa avanoti aiitwa Phillipa apo airwara vakati nguva zhinji aiponera kumba kwavo apo aienda achida chikafu.
“Muzukuru wangu uyu aiuya kumba achinditaurira kuti akanga achibatwa zvisina kururama nemhuri yekwaNyabasa.
“Ainyanya kuuya achiona ambuya vake ini ndisipo apo aiti akanga asingapihwe chikafu uye akati chikafu chaizobikwa pakati pehusiku iye arara. Dai mhuri yekwaNyabasa yaibata muzukuru wedu zvakanaka kana nanhasi angadai ari mupenyu. Saka kana zvavakanzi vabhadhare pfuma chitunha chisati chadzikiswa mumotokari ndakazvifarira,” vakadaro.
Mai Simbarashi Nyabasa, vanova amai vaBanabas avo vanonzi vaichengeta murwere kuseri kwegonhi vakati hapana zvekukurukura nevatori wenhau sezvo pasina kana chimwe chete chavaigona kugadzirisa panyaya dzemumusha umu.

“Endai munobvudza ikoko kwamakazvinzwa, kana muchinge mauya kuzobata mawoko mofamba famba nekuti zvemuno hazvisi zvenyu hama dzangu. Endai munotora dzimwe nhau kwete dzepano,” vakadaro amwene ava vachibva vasona muromo.
Sabhuku Stanley Kashiri vakatsinhira nezvenyaya iyi vakati vanhu kana vachinge varoorerana ngavachiziva kuti pava nehuka hunoda kutosimbaradzwa.
“Kushaya kuriko muvanhu asi tinoziva pamakore ose matatu dai akangoendesa kana mbeva zvayo hapamna chakaipa pane kuti munhu uzomhanya-mhanya chitunha chiri mumotokari,” vakadaro sabhuku Kashiri.
Vakaenderera mberi vachiti nyaya dzevanhu vari kutora vana vevanhu vorega kubhadhara pfuma dzanyanya kuwanda mudunhu umu.-Kwayedza

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links