|
Varairidzi veUnder 14 vosangana |
|
|
|
|
Friday, 13 July 2012 08:08 |
neMunyori weKwayedza VARAIRIDZI vezvikwata zveUnder-14 zvemapurovhinzi
ose emunyika svondo rino neMugovera vari kusangana kuNorton uko vachange vachidzidziswa nzira dzakanaka dzekutirena vatambi vemuboka iri nesangano reZimbabwe Junior Soccer League. Chiitiko ichi chiri kuuya apo varairidzi ava vakatarisana nemutambo weUnder-14 Inter-Provincial Tournament iyo iri kutarisirwa kuitwa kwaMutare mwedzi uno.
Mukutaura naSamuel Mazeyengwa anove national instructor musangano reZJSL, uyo anoongorora nhabvu muzvikoro uye nevarairidzi vacho, akati sangano ravo rakazvipira mukusimudzira nhabvu yevana vari kuzvikoro uye tarisiro yavo ndeyekuvaka chikwata cheUnder-14 chenyika apo pachaitwa makwikwi eInter-Provincial. Akati mutambo uyu usati watanga vakaronga kuti vasangane nevarairidzi vose vezvikwata zvichauya kuzokwikwidza kumakwikwi aya kuti vavadzidzise nzira dzakasiyana dzekushanda nevana pamwe nekuti vazive kutsvaga vatambi vanogona muzvikwata zvavo. Izvi, akadaro, zvakakosha nekuti vanoda kuti varairidzi vose vave vanonzwisisa vatambi vechidiki apo pavanenge vachivatirena.
“Takakoka varairidzi vakawanda vezvikwata zvakasiyana zveUnder-14 uye nevemuzvikoro kuti tisangane kuNorton uko tichange tichikurukura nzira dzakanaka dzekushanda nevatambi vezvikwata zveUnder-14 nekuronga makwikwi eInter-Provincial tournament ayo atiri kunoitira kwaMutare apo patichasarudza chikwata cheUnder 14 chenyika. “Chishuwo chedu chikuru ndechekuti varairidzi vose vave vanoyemura nhabvu yevana saka tinovakurudzira kuti vasimudzire nhabvu kumapurovhinzi avo ose,” akadaro Mazeyengwa. Imwe nhengo yeZJSL, Vengai Tinarwo, akatsinhira mashoko aya achiti sangano ravo riri kushanda neveNational Association of Primary Schools Heads mukusimudzira nhabvu yezvikwata zveUnder-14 nezviri pasi. Akati vanoda kupa mukana kuvatambi vose venhabvu kusanganisira avo vekumaruwa. “Chishuwo chedu kuti vatambi vese kunyangwe vari kumamisha vapihwe mukana wekupinda muchikwata chenyika nekuti vatambi vose vakangofanana,” akadaro Tinarwo.-Kwayedza
|